Accessibility links

Breaking News

Vashandi veKanzuru yeHarare Vanoti Havasi Kuzodzokera Kubasa Kusvika Vabhadharwa Mari Dzinogutsa


Harare City Council -Chideme
Harare City Council -Chideme

Vana mukoti vekanzuru yeHarare vanoti havasi kuzodzokera kubasa kana mari dzemihoro dzavo dzisina kukwidzwa zvichienderana nehuremu hwedhora rekuAmerica.

Vachitaura pamusangano wavakaita nevatori venhau muHarare, mutungamiri weZimbabwe Urban and Rural Council Workers Union, Va Simbarashe James Tafrenyika, vakati mari iri kutambirwa nevashandi vekanzuru ishoma zvikuru zvichienzaniswa nemamiriro akaita zvinhu munyika.

VaTafirenyika vakati vanoda kuti kanzuru ivape mari zvichienderana nehuremu hwedhora rekuAmerica kuitira kuti zvinhu zvivarerukire, uye kuti vakwanise kuenda kubasa .

VaTafirenyika vakatiwo chinonyanyovarwadza dzechekuti pamari shoma yavanotambira iyoyo, haiuyi nenguva.

Mumwe mukoti, Amai Yeukai Nyamhunga, vakatiwo pavakasangana nedambudziko rekukuvara kwemwana wavo, vakatadza kana kubhadhara mari dzaidiwa kuchipatara.

Amai Nyamhunga vakati zvese zvinodiwa pakurarama zviri kutengeswa pachitariswa kuti huremu hwemari hwakamira papi.

Mutauriri weguta reHarare, VaMichael Chideme, vanoti kanzuru yavo iri kushushukanawo nekusakwanisa kuenda kubasa kwavana mukoti vakati vari kuita hurukuro navo kuti vakwanise kuona kuti dambudziko iri ringagadzirisike sei.

Kusaenda kumabasa kwavana mukoti vekanzuru uku kunoitika panguva imweyo vana chiremba vasiri kuenda kumabasa vachichemawo nemari dzemihoro dzavari kuti ishoma zvikuru.

Izvi zvasiya varwere vachichema-chema nekushaya kodzero yavo yehutano muzvipatara.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG