Accessibility links

Breaking News

Kanzuru Yoitira Hurongwa Hwakanaka Kune Vanotengesera muMbare


Zimbabwe
Zimbabwe

Kanzuru yeguta reHarare inoti ine hurongwa hwekuti vose vari kutengesera munzvimbo dzisingabvumidzwi mumusha weMbare, vange vachiiswa panzvimbo yakaonekwa seyakakodzera kuti vashandire.

Kanzuru yeguta reHarare inoti ine hurongwa hwekuti vose vari kutengesera munzvimbo dzisingabvumidzwi mumusha weMbare, vange vachiiswa panzvimbo yakaonekwa seyakakodzera kuti vashandire.

Nzvimbo iyi iri pa Shawasha grounds.

Mutauriri wekanzuru, VaMichael Chideme, vanoti nekuona kuti kanzuru inogona kutowana mari kubva muvanhu ava, kuburikidza nekubhadhara kwavo mitero, vaona zvakakodzera kuti vanhu ava vaendeswe panzvimbo iyi.

Svondo rapera kanzuru yakanga yapa vanhu ava maawa makumi mana nemasere ekuti vange vabva munzvimbo dzavari kushandira idzi, kukundikana kwavo vaizobviswa nechisimba.

VaChideme vanoti kanzuru yakaona zvakakosha kuti vanhu ava vasatengesere mumigwagwa mavanga vave kupinda, asi kuti vaende panzvimbo iyoyo.

Vanhu vangada kusvika chiuru nemazana mashanu vanotarisirwa kuti vachabatsirwa nehurongwa uhwu, uhwo hwuchaita kuti vatengesere panzvimbo dzine mvura nezvimbuzi, panguva iyo kanzuru inenge ichigadzirisa nzvimbo yekuti vazoshandira zvachose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG