Sangano re Zimbabwe National Network of People Living with HIV (ZNNP+) rinoti zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachikurudzirwa kuti vazive kuti vane hutachiona hwe HIV here kana kwete.
Mugwaro raro richangoburitswa, reZimbabwe Stigma Index Research Report, sangano iri rinoti veruzhinji vakaziva pavamire kuburikidza nehutachiona hwe HIV zvinoita kuti kusemwa nekusarurwa kweavo vanorarama nehutachiona kuderere.
Sangano iri rinoti hurumende inofanira kushanda pamwechete nevemakambani akazvimiririra neveruzhinji pakutsvaga nzira yekupedza rusarura kune vanorarama ne HIV.
Vanoona nezvekuburitswa kwemashoko musangano reNational Aids Council, Mai Tadiwa Nyatanga-Pfupa, vanoti gwaro re ZNNP+ richangoburwa rinoratidza kukosha kwemushandirapamwe mukutsvaga nzira dzekupedza tsika yekusema vanorarama nehutachiona, vakaita sevakaremara nevanorarama nekuita mabasa epabonde.
Mai Nyatanga-Pfupa vanoti vechidiki vari kushungurudzika pamusoro pekusarurwa munharaunda mavagere.
Mai Nyatanga-Pfupa vanoti panofanira kuve nechirwirangwe pakuratidza rudo kune vane hutachiona kwete kuvabata nekuseri kwemaoko.
Vakawanda vachiri kusema vane hutachiona munharaunda dzavanogara. Asi kune vamwewo vakawanda vakubuda pachena kuti vanorarama ne HIV.
Muzvare Barbara Farashashiko vanoshanda pasi pesangano re ZNNP+ vari kuTafara uko vanofamba vachisimbisa nekupa mazano vanorarama nehutachiona.
Muzvare Farashashiko, avo vakabuda pachena kuti vane HIV, vakapinda panguva yakaoma muna 1985 apo vakatanga kurwara nechikosoro cherurindi vari kumurume wavo.
Muzvare Farashishiko vanoti mazuva iwayo vaitosemwa semuroyi vave kumba kwevabereki vavo.
Dambudziko guru rasara pana Muzvare Farashishiko nderemaziso. Kuti varapwe panoda zviuru zvina zvemadhora neanoraudzira kuti varapwe nana chiremba vemaziso.
Baba vavo, VaFernando Farashishiko, vanoti zvakakosha kuti vanorarama nehutachiona vabude pachena kuitira kuti veruzhinji vagamushire kuti vane hutachiona vakangofanana chero nemunhuwo zvake.
Vanokurudzirawo vemunharaunda kuti vatambire vanorarama nehutachiona nemaoko mairi.
Muroora waVa Fernando Farashishiko, uyo vanogara naye, Mai Cynthia Murenzwi, vanoti vakasvika pakunzwisisa kuti chinonzi kurarama nehutachiona chii, zvichibva mudzidziso ya Muzvare Barbara Farashishiko munharaunda.
VaGodfrey Pondo, avo vane makore makumi mashanu nemana, vanoshanda pamwe chete naMuzvare Barbara Farashishiko. Vanoti vanhuruume vanofanira kukanda pasi nyadzi, vobuda pachena kuti vanorarama nehutachiona.
Mushonga unogona kupera, ende kuti utaurire vehukama kuti ndinotorera Mushonga kwakati, saka ndipo pazvakakoshera kubuda pachena.
Zimbabwe yakabatana nenyika dzesangano repasi rose pachisungo chekuti vanhu vanosvika zvikamu makumi matanhatu kubva muzana, vanofanira kunge vabuda pachena kuti vanorarama neHIV patinonobata gore ra 2020.
Sangano re World Health Organisation rinoti izvi zvinogona kuitika sezvo vakawanda vane hutachiona vakunwa mishonga yavo. Sangano iri rinoti izvi zvichagumisira zvakuita kuti rusarura rwevane hutachiona husvike pakuderera zvakanyanya.
Zvikaramba zvakadai, vanorarama nehutachiona vachibuda pachena vachitaura vasingatyi, kubatwa nekuseri kwemaoko kwevakadai kuchasvika pakupera.