Vamiriri vevashandi vehurumende vanoti vachaona matanho avangatora, zvichitevera kusawirirana kwakaitika pamusangano wehurukuro dzemihoro wakaitwa neChipiri pakati pavo nehurumende.
Hurumende yakanga yatara zuva remusi weChipiri sezuva rekuzeya nyaya dzemihoro yevashandi, iyo yakasvitsa vashandi pakumboramwa mabasa.
Zvinonzi hurumende yakati haina mari iri kudiwa nevashandi pari zvino, uye ichambonzwawo kubva kune vamwe muhurumende.
Mutungamiri weProgressive Teachers Union of Zimbabwe, VaTakavafira Zhou, vaudza Studio7 kuti vachaisa misoro pamwe chete nemamwe masangano ari kumirira vashandi vehurumende.
Mune imwewo nyaya, sangano revashandi reZCTU, rinoti richakwidza kusangano rinomirira vashandi vanoona nezvekutakurwa kwezvinhu pasi rose, reInternational Transport Workers’ Federation, gakava riri pakati pekambani yendege yeAir Zimbabwe, nevashandi vayo mazana mana vakamiswa basa nekambani iyi gore rapera.
ZCTU inoti ine hurongwa hwekuti vashandi vepanhandare dzendege pasi rose vasabatsira ndege dzeAir Zimbabwe kwadzinenge dzamhara, kudzamara kambani iyi yadzosa vashandi ava pamabasa, kana kuti yavapa mari dzavo dzemudyandigere.
Mutungamiri weZCTU, VaLovemore Matombo, vaudza Studio7 kuti sangano ravo richakurudzirawo mamwe masangano evashandi ari munyika kuti atorewo matanho senzira yekutsigira vashandi veAir Zimbabwe ava.