Paita maonero akasiyana pamusoro pekuti pove nechipfeko chenyika kana kuti 'national dress" here kana kuti kwete.
Vachipa pfungwa dzavo nhasi muChinhoyi panyaya iyi, mumwe mugari wemuguta iri VaDaniel Kokero vati zvakanaka kuti pave nenational dress vachiti jira rinofanirwa kuve nemifananidzo yezviwanikwa zviri munyika kwete mavara emureza wenyika chete.
Izvi zvatsigirwa nemudzidzisi wepachikoro chikuru cheChinhoyi University of Technology-CUT- Dr Verity Muzenda avo vati vanhu munyika vanofanirwa kuzivikanwa nemapfekero kana vari kune dzimwe nyika.
Dr Muzenda vanoti pakubuda nechipfeko chenyika hapafanirwe kuitwa zvematongerwo enyika.
Mumwe apinda mumusangano wanhasi VaFarai Chikowore vanoti hurongwa huri kuitwa kwekubuda nehembe yenyika hauna kunaka sezvo huri kusiya vechidiki kunze.
Asi VaPeter Ngorima vanoti zviri kuita hurumende hazvina musoro sezvo vari kufunga zvekupfeka asi vanhu munyika vasina hupfu nemafuta edzimotokari.
Mukuru mubazi reZvemadzimai nemabhizinisi madiki neari pakati nepakati kana kuti Women Affairs, Community, Small and Medium Enterprise Development mudunhu reMashonaland West VaPatrick Rangwani vati mushure meongororo mumatunhu ose kuchaitwa makwikwi kutsvaka chipfeko chenyika musi wa 10 Kurume usati wasvika.
Patabvunza VaRangwani kuti sei hurumende yafunga kuita zvekutsvaka chipfeko chenyika nhasi mushure memakore akawanda nyika yawana kuzvitonga kuzere VaRangwani vati pfungwa iyi yagara iripo munyika nekudaro vazofunga zvekuizadzisa.
Musangano wanhasi wapindwa nevanhu vanodarika zana uye vazhinji vavo vati vanoda kupihwa nguva yekudzamisa pfungwa dzavo kwete kumhanyiswa mhanyiswa sezviri kuitwa.
VaRangwani vanoti chipfeko chenyika chinofanirwa kunge chavepo panopembererwa zuva rekuzvitonga kuzere gore rino musi wa 18 Kubvumbi.
Nyaya yehanzu yenyika iyi yakambozeyiwa mugore ra2005 asi ikazoregedzwa, gore rapera mudzimai wemutungamiri wenyika Amai Auxillia Mnangagwa vakabva vatangazve kuti itange kuzeyiwa.
Facebook Forum