Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti Vane Makore Gumi neMatanhatu Vave Kukwanisa Kubayiwa Nhomba yeCovid-19


Mushonga wenhomba weCovid-19, weSinovac
Mushonga wenhomba weCovid-19, weSinovac

Bazi rinoona nezvehutano razkaivisa kuti vechidiki vari pakati pemakore gumi nematanhatu negumi nemanomwe vave kukwanisa kuti vatange kubaiwa nhomba yeCovid-19 yemhando yeSinovac.

Mugwaro ravo kuvatori venhau bazi rezvehutano rinoti danho iri rakatorwa mushure meongororo dzakaitwa uye nekurudziro kubva kusangano reZimbabwe Medicines Control Authority of Zimbabwe.

Hurumende inoti yazivisa matunhu ose, zvikoro zvepamusoro, pamwe nenzvimbo dzinobayirwa nhomba kuti dzichitange kubaya nhomba vana vemazera aya.

Vaimbova gurukota rezvehutano Dr Henry Madzorera, vanoti vazhinji havasati vanzwa nezveongororo yakaitwa iyi asi vachiti havo idanho rakanaka chose.

Vakurudzirawo hurumende kuti ibudise zvakabuda muongoro iyi kuti vashandi mune zvehutano vaite basa vakasununguka uyevo kuti vezvehutano vakwanise kukurudzira vana ava kuti vabaiwe nhomba.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Hatina kukwanisa kubata mutauriri webazi rezvehutano, VaDonald Mujiri sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG