Vatambi veZimbabwe varikudzoka kubva kumaOlympic Games vasina chavakabata nemhaka yezvikonzero zvagara zviripo kwenguva refu. Sezvakangoitika muna 2016 vatambi veZimbabwe vadzoka kubva kuma 2020 Olympic Games vasina chavakabata dzimwe nyika dzichipemberera kuwana menduru.
Pakapera makundano a2016, pakaita vimbiso yekuti Zimbabwe ichagadzirisa zvakakonzeresa kuti vatambi vemuno vadzoke vasina kana menduru imwechete kumakwikwi aya.
Panguva iyoyo VaMakhosini Hlongwane ndivo vaive gurukota rezvemitambo, kukazouya VaKazembe Kazembe ikozvino tave na muzvare Kirsty Coventry.
Asi nhasi Zimbabwe yadzoka zvekare panyaya imwechete, kubva kuma 2020 Olympic Games ri maoko chete uyezve nezvichemo zvimwechete sezvemuna 2016.
Mutambi weZimbabwe akaita zviri nani kumaOlympic Games aikozvino aya ndiScott Vincent uyo akapedza ari pachinhanho chegumi nenhanhatu (16) mumutambo wegolf.
Peter Purcel Gilpin werowing akapedza ari pachinhanho chemakumi maviri, (20), Mutihwini Donato Katai akapedza ari pachinhanho chemakumi matatu neina (34).
Mumwe mutihwini, Peter Wetzlar aive pachinzvimbo chemakumi mana nembiri (42), mumhanyi Ngoni Makusha ndokupedza ari pachinhanho chemakumi mashanu (50).
Aimbomhanyira Zimbabwe uyezve ari nhengo yeAthletics Zimbabwe Partson Muderedzi anoti Zimbabwe irikudzokera shure panzvimbo yekuenda mberi.
Dzimwe nyanzvi munyaya dzemitambo dzinoti vatambi havasi kuwana gadziriro yakakwana nekuti hurumende haisi kuvapa ruyamuro rwakakwana rwemari yekukwikwidza neve kune dzimwe nyika.Izvi zvinonzi zviri kukonzeresa kuti vatambi ava vapinde mumakundano makuru vasina ruzivo rwemamiriro emakundano avari kunosangana nawo.
VaBrian Manyati veKeg Africa Sports vanoti kunofanira kubikwa homwe yemari yekuti vatambi vemuno vagare vachiedzana masimba neve kune dzimwe nyika vasati vaenda kumaOlympic Games.
Murongi wemitambo yetsiva VaStalin Mau Mau vanoti hapafanire kuita rusaruro pakupa ruyamuro urwu nekuti mitambo yese yakakosha.
Muongorori wemutambo VaZee Moyo vanoti Zimbabwe inofanira kutangira kupa mukana uyu kunaDonato Katai naPeterWetzall vachivaka chikwata cheOlympics 2024.
VaMoyo vanoti hurumende inofanira kukoshesa mitambo nekuitora sebhizimisi kwete mafaro.
Mutambi wetsiva Farai Gudo Mugoni anoti kusakoshesa harisiriro izwi rinokodzera kutsanangudza zviripo asi kuti hurumende yedu haina hanya nemitambo.
VaMugoni vanoti zvakaitika pakabudirira maMighty Warriors kuenda kumaOlympic Games a2016 zvinoratidza kushaya hanya uku.
Vachiri kuyeuka, gore iro, apo kaputeni wemaMighty Warriors, Felistus Muzongondi, akapedzisira ave kukumbira ruyamuro kune veruzhinji apo vaigadzirira kuenda kumaOlympics.
Izvi VaMugoni vanoti hazvifanire kuitika kunyika dzine chinangwa chekutora menduru kumakundano epamusoro-soro.
Asi munyori wezvemitambo VaTawanda Tafirenyika vanofunga kuti Zimbabwe haisi kuendesa vatambi vayo varikubaka moto kumaOlympics.
Vanoti vamwe vevatambi ava varikusarudzwa nemazita kana mbiri yekare kwete matambiro avanenge vachiita panguva iyoyo.
VaManyati vanoti panofanira kuitwa makundano munyika anounganidza vatambi vese kusanganisira vari kunze kwenyika vanokunda voenda kumaOlympics.
Vateveri vemitambo varikutarisira kuti gurusvusvu revanhu vezvematongerwo enyika rakaenda kuma2020 Olympic Games richabatsira kuti vemitambo vaonekwewo nehurumende.
Muzvare Coventry, mukuru weSport and Recreation Commission VaGerald Mhlotswa pamwe nasachigaro wekomiti yemitambo muparamende VaMathias Tongofa vese vaive kuTokyo.
Vachitaura neStudio 7 vari kuJapan, mutungamiri weZimbabwe Olympics Committee Vari kutungamira chikwata cheZimbabwe kumakwikwi ekuJapan VaThabani Gonye vanoti vakadzidza zvakawanda uye vachadzoka vakasimba kumakwikwi anotevera ari kuirtirwa kuFrance muna 2024.
Hatina kukwanisa kunzwa divi raMuzvare Coventry sezvo Studio 7 yakavatumira mibvunzo yavasati vapindura.
Facebook Forum