Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokumbira Kubvisirwa Zvirango neNyika Dzakabudirira


MDC iri kukumbira sangano European Union, America, Australia, New Zealand nedzimwe nyika kuti dzibvise zvirango zvakatemerwa makambani nemapazi ehurumende, kuitira kuti hurumende yemubatanidzwa inyatsoshande zvakanaka.

Makambani aya makumi mana, uye anosanganisira Zimbank, Zimbabwe Mining and Steel Company (Zisco) neZimbabwe Defence Industries (ZDI). Makambani aya akatemerwa zvirango zvehupfumi sezvo achidyidzana neZanu PF.

Gurukota rinoshanda riri muhofisi yemutungamiri wenyika, VaGorden Moyo, vanonzi ndivo vakataura mashoko aya apo vakaita musangano ne Bulawayo Agenda.

Studio7 haina kukwanisa kutaura naVaMoyo kuti tinzwe zvizhinji. Asi mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vati danho remusangano wavo rekuti havanei chekuita nezvirango izvi harisati rachinja.

VaChamisa vanoti bato ravo rinotsigira zvinhu zvinoita kuti munyika muve nebudiriro. VaChamisa vatiwo Zanu PF inofanirwa kuzvimirira pazvirango zvayakatemerwa nekuti hazvineyi neMDC.

XS
SM
MD
LG