Hurumende yemubatanidzwa inonzi yakabvuma neChitatu manheru kuti ichaburitsawo nemari inosvika mamiriyoni mashanu emadhora ekuAmerica, iyo ichashandiswa muhurongwa hwekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika.
Izvi zvinonzi zvakabuda pamusangano wakaitwa pakati pehurumende nesangano re United Nations Development Program, UNDP.
Mari iyi inonzi ichashandiswa mukuchengetedza runyararo, kudzidziswa kwevanyori vechirongwa ichi, pamwe nekushambadzira mudzinhepfenyuro nemumapepanhau chirongwa ichi, kuitira kuti veruzhinji vazive zviri kuitika.
UNDP yakanga yati hurumende ibvise mari inoita zvikamu makumi matatu kubva muzana zvemari ichashandiswa muhurongwa uhu hwese.
Mumwe wemasachigaro ekomiti yeparamende inoona nezvekunyorwa kwebumbiro idzva, VaDouglas Mwonzora, vanoti zvinhu zvose zvava mugwara zvichitevera hurukuro dzavakaita nevanobatsira nemari.
VaMwonzora vanoti pari zvino vamirira kupihwa mari iyi kuitira kuti vachitanga basa ravo.
VaMwonzora vanotiwo kana zvinhu zvikafamba zvakanaka, bumbiro idzva rinogona kunge ravapo mukupera kwegore.