Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yopikisa Mutongo weKumanikidza VaMalaba Kusiya Basa


VaLuke Malaba
VaLuke Malaba

Gurukota rinoona nezvemitemo vaZiyambi Ziyambi vaendesa mapepa kudare repamusoro soro vachipikisa mutongo wakapihwa nedare repamusoro reHigh Court wekumanikidza mutongi mukuru wematare VaLuke Malaba kuti vaende pamudyandigere.

VaZiyambi vaudza Studio 7 kuti vane kodzero pamutemo yekupikisa mutongo wakapihwa neMugovera nedare repasi.

VaMalaba vaifanira kusiya basa sezvo vakasvika makore makumi manomwe neMugovera vainge vawedzerwa mamwe makor mashanu nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa ekuti varambe vari pabasa.

Izvi zvakatevera kuvandudzwa kwebumbiro remitemo kuti riti kana mutongi asvika makore makumi manonomwe asi hutano hwake hwakanaka anokwanisa kuramba ari pabasa kwemamwe makore mashanu.

Asi rimwe gweta riri kumirira vari kupikisa kuwedzerwa kwemakore ekuti VaMalaba varambe vari pabasa VaThabani Mpofu vanoti zvakaoma kupikisa mutongo uyu nekuti bumbiro riri pachena.

Pakapihwa mutongo nemusi weMugovera, VaZiyambi vakatumira mashoko kuvatori venhau vachiti vatongi venyaya iyi Justice Happias Zhou, Justice Edith Mushore naJustice Helena Charewa vainge vari muhomwe dzehurumende dzekunze kunyaya America neEuropean Union vachipa mitongo yakanangana nekuda kukonzera kusagadzikana munyika.

Vakashorawo sangano remagweta reZimbabwe Lawyers for Human Rights nebato reMDC Alliance vachiti varimowo muhurongwa hwekuda kukonzera kusagadzikana munyika. VaZiyambi vakayambira kuti yave nguva yekudyunga muziso vose vanoda kukonzera kupidigurwa kwehurumende nekukanganisa hupfumi hwenyika.

VaMpofu vachitaurawo nevatori venhau muHarare neMuvhuro vaie mamwe magweta ari kumirira mumwe akakwira kumatare nenyaya yaVaMalaba ari mukuru weZimbabwe Human Rights NGO Forum Doctor Musa Kika, vakatiwo vanyora tsamba kumutongi mukuru wedare repamusoro VaGeorge Chiweshe nemunyori mukuru wematare kuti vaone kuti VaZiyambi vatorerwa matanho nemashoko avo avanoti ndeekuzvidza dare.

Rimwe gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaMarufu Mandevere vati zvakaitwa naVaZiyambi izvi zvakamboitwa nevaimbove gurukota rezvemutemo VaPatrick Chinamasa avo vakambobatwa nemhosva iyi. VaMandevere vati zvakakosha kuti nyaya iyi iende kumatare kuonekwe kuti mashoko avaZiyambi aya haazvidzi dare here

Panyaya yekunzi vari kutyisidzira vatongi, VaZiyambi varamba kuti mashoko aya. Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika VaOwen Dhliwayo vanoshanda nesangano rePlatform for Youth Development vaudza Studio 7 kuti mashoko aVaZiyambi haatarisirwe kubva kugurukota rehurumende.

Sangano reZLHR rakaburitsawo mashoko kuvatori venhau richiti VaZiyambi vaifanira kukumbira ruregerero kunyika nemashoko avo ekuri zora mafuta yenguruve yarisina kudya.

Mumashoko kuvatori venhau, sangano reCrisis in Zimbabwe Coalition rashorawo VaZiyambi rikatiwo bumbiro remitemo harifanire kuvandudzwa kuti ripe mutungamiri wenyika masimba ekuti atonge kunge mambo pasina anopikisa.

Vanga vachipikisa zvakaitwa nemutungamiri wenyika VaMnangagwa zvekuwedzera makore ekuti VaMalaba varambe vari pabasa vanosanganisirawo vesangano reYoung Lawyers Association of Zimbabwe, uye murwi wehondo yerusununguko VaFred Mutanda.

Judicial Services Commission kana kuti JSC yakadoma vaive mutevedzeri waVaMalaba, Amai Elizabeth Gwaunza kuti vafanobate chigaro chekuva mutongi mukuru wematare kuzvika nyaya yavo yapera kutongwa.

Nyaya Ina Rutendo Mawere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG