Masangano anoongorora sarudzo munyika anoti sarudzo dzematunhu madiki dzeZanu PF dzemaDistrict Coordinating Committes- DCC’s – dzinoratidza kuti nyika inokwanisa kuita sarudzo dzema by-elections ayo akambomiswa nekuda kwechirwere cheCovid-19.
Sachigaro weZimbabwe Election Support Network-ZESN-VaAndrew Makoni vanoti zvinoshamisa kuti hurumende yakabvumira kuti paitwe sarudzo dzemuZanu-PF kunyangwe yakambomisa sarudzo dzose dzemakanzuru nedare reparamende ichiti iri kutyira kupararira kwechirwere cheCovid-19.
Izvi zvatsinhirwa nemukuru anoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano rinoona zvesarudzo rakazvimririra reElection Resource Centre-ERC-VaSolomon Bobosibunu.
VaBobosibunu vanoti sarudzo dzeZanu PF dzaratidza kuti sarudzo dzinofanirwa kurongwa zvakanaka kukurudzira hutongo hwejekerere.
Gweta uye vari mukuru weZimbabwe Human Rights kana kuti ZimRights, VaDzikamai Bere vanoti kodzero dzevanhu dzekusarudza vamiriri vavanoda dziri kutyorwa pachishandiswa manyepo ekuti hurumende iri kuyedza kudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.
Asi mutauriri weZimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC, VaQhubani Moyo vanoti hurumende ndiyo inovapa bvumo yekuita sarudzo.
Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi sezvo gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vanga vasingabatike panharembozha yavo.
Asi munguva pfupi yapera mumwe wevatevedzeri vemutungamiri wenyika uye vari gurukota rezvehutano, VaConstantino Chiwenga vakamisa sarudzo dzema by-elections munyika sedanho rekumisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 munyika.
Asi masangano anowongorora sarudzo akazvmirira aya anoti kana paine mari nezvikwanisiro zvinodiwa hapana chinotadzisa kuti sarudzo dzema by-elections dziitwe.
Sarudzo dzaitwa munyika dzakaita seTanzania, Ghana, America nedzimwe pachitevedzerwa kurudziro yakapihwa neWorld Health Organization yakakurudzirawo kuti nyika dzepasi rino dzienderere mberi nesarudzo.
Facebook Forum