Dare repamusoro reHigh Court rapa mutongo wekuti masaisai ese munyika avhurwe sezvo gurukota rinoona nezvevasori VaOwen Mudha Ncube vakatyora bumbiro remutemo nekuzvipa masimba avasina.
Mutongi wedare repamusoro reHigh Court VaOwen Tagu vatura mutongo wekuti VaNcube segurukota havana masimba ekuvharisa masaisai einternet. Vabva vati hurumende inofanira kuwanisa vanhu mukana wekuenda pamasaisai einternet pasina kupota ichimbodzima dzima izvo yakatanga kuita svondo rapera.
Vachitaura nevatori venhau mushure mekuturwa kwemutongo uyu, rimwe gweta ranga richimiririra Media Institute of Southern Africa (MISA-Zimbabwe) neZimbabwe Lawyers for Human Rights vakakwidza nyaya iyi kumatare, VaEric Matinenga vati kunyangwe zvinhu zvakaita sewhatsApp, Facebook ne Twitter zvinofanirwa kuvhurwa.
VaMatinenga vatsinhira kuti dare rabvumirano nezvavakatura kwariri vachiti gurukota rinoona nezvevasori rakazvipa masimba arisina.
Gweta rekuMISA-Zimbabwe VaKuda Hove vati vafadzwa zvikuru nemutongo uyu. Muchuchusi wehurumende VaFarai Chingwere vanga akumbira kudare kuti nyaya iyi izonzwikwa musi weChitatu vachiti vanga vasati vawana mapepa kubva kumutungamiriri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuti vazoashandisa mudare asi chikumbiro ichi hachina kutambirwa. Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende nezvenyaya iyi.
Vamwe vainge vaendeswa kumatare vanosanganisa VaMnangagwa, mukuru wevasori VaIssac Moyo, venharembozha vanoti Econet Wireless, Telecel neNetOne uye POTRAZ.
Masangano akawanda pasi rino kusanganisa United Nations ange achihora zvikuru hurumende nedanho rekuvhara masaisai iyi. Vemabhizimisi vange vachichema chema kuti vari kurasikirwa nemari yakawanda.
Asi mutauriri waVaMnangagwa VaGeorge Charamba vakati vainge vaita izvi kuyedza kumisa kuratidzira kwainge kwaitwa nevanhu vavanoti vaida kupidigura hurumende kunyangwe vanhu ava vari kuti havasi kufara nemamiriro akaita hupfumi.
Facebook Forum