Kushaikwa kwemafuta edzimotokari munyika kuri kuenderera mberi uye ongororo yaitwa neStudio 7 muguta reHarare inoratidza kuti dambudziko iri ririkuramba richikura.
Magaraji ese ange aine mafuta edzimotokari anga aine mitsetse mirefu refu uye mamwe magaraji haachatenderi kuti vedzimotokari vamwe mafuta avanoda.
Muzvare Sandra Matondo vataura neStudio 7 nguva dza 2 masikati vati vanga vaenda mumutsetse kuma 8 mangwanani asi vange vachiri kure kwazvo nekuti vakwanise kutenga mafuta aya.
Muzvare Matondo vati dambudziko remafuta ririkukura uye vakati kunetsa kwemafuta kwakonzerawo kukwira kwemitengo yemota dzinotakura vazhinji dzanga dzichiita makumi manomwe nemasendi mashanu idzo dzave kuita dhora rimwe chete.
Mumwe mutyairi wekombi, VaInnocent Mafara vati kunetsa kwemafuta edzimotokari kuri kukanganisa basa ravo nemihoro yavo.
Mumwe mutyairi asina kuda kudomwa nezita atiwo anga abva mangwanani ari mumutsetse wemafuta edzimotakari asina kana kuona donwe zvaro.
Atiwo kunyangwe hazvo aive ambowana mamwe mafuta nemusi weChina aingobvumidzwa kumwa marita gumi nerimwe chete achinzi mafuta ainge ave mashoma.
Anotiwo nyika haingabudiriri kana vanhu vachiswera mumitsetse yemafuta pachinzvimbo chekuenda kumabasa.
VaMandishona Murika mumwezve mutyairi wekombi vakumbira kuti dai hurumende yagadzirisa dambudziko remafuta iri vachiti zvinobatsirawo kuti mitengo yezvinhu isakwira.
VaMurika vatiwo kunyangwe hazvo kumusika mutema mafuta ariko havachatengi nekuti vakambotenga anga asina kumira zvakanaka zvikavakanganisira kombi yavo.
Mutori wenhau dzezvehupfumi VaTawanda Karombo vaudzawo Studio 7 kuti kutenga mafuta pamusika mutema kunoda mari yakawanda zvakanyanya.
VaKarombo vatiwo vanofunga kuti hurumende ikabvumidza vanotengesa mafuta kuti vakwidze mutengo zvinogona kubetsera kupedza dambudzo iri.
Mumusangano wavakaita nevatori venhau neChitatu gurukota rezvemari VaMthuli Ncube vakati kunetsa kwemafuta kurikukonzera nekushaikwa kwemari yekuAmerica sezvo vanochera goridhe vakawedzerwa mari yavanopiwa nebhanga renyika reRBZ kana vatengesa zvicherwa zvavo kunze kwenyika kubva pazvikamu makumi matatu kusvika pazvikamu makumi mashanu nezvishanu kubva muzana.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakaudzawo vanhu kwaZvimba neMugovera kuti vari kuziva nezvedambudziko iri asi vanhu havafanire kuvhunduka.
Asi gurukota rezvemhando dzemoto VaJoram Gumbo vakatendawo kuti Zimbabwe yasangana nedambudziko rekushomeka kwemari yekunze zvopa kuti zvinhu zvisagadzikane.
Izvi zviri kuuya panguva iyo Zimbabwe yakamboti yawana chikwereti chekuti ikwanise kuwana mafuta aya kwemwedzi gumi nemisere.
Ongororo yaitwa neStudio 7 inoratidzawo kuti mitsetse yemafuta edzimotokari iyi yavewo kukanganisa kufamba kwedzimotokari sezvo dzimwe nzira dzinenge dzakavharwa nevanenge vakamirira mafuta aya.
Facebook Forum