Sangano reInternational Monetary Fund, IMF, rinoti hupfumi hweZimbabwe huchakura ne2,2% gore rino. Muongororo yayo yekutanga, sangano iri rakanga rati hupfumi hweZimbabwe huchakura nezvikamu zvitanhatu kubva muzana, kana kuti 6%.
Mugwaro ravaburitsa reWorld Economic Outlook, IMF, inoti hupfumi hweZimbabwe huchanga hwakagwadama muna 2011 zvekuti hausi kuzokura munguva iyi.
IMF inotiwo hupfumi hweZimbabwe huchatanga kukura muna 2015 apo huchasimuka nezvikamu zviviri chete kubva muzana.
Gwaro iri, iro rinotarisa hupfumi hwenyika dzose pasi rose, riri kutiwo inflation muna 2010, ichange iri 8,9%, inchizodzika zvakanyanya muna 2011 kuenda pa 1,9%.
Ukuwo gurukota rezvemari, Va Tendai Biti, vanoti hupfumi hwenyika gore rino huchakura ne 4,8%, vachidzikisa kubva pa 7,7% yavainga vambotaura.
VaKumbirai Katsande ndivo mutungamiri weConfederation of Zimbabwe Industries. VaKatsande vanoti nyaya dzezvematongerwe enyika inofanira kugadziriswa kuitira kuti zvinhu zvifambe munyaya dzeupfumi mu Zimbabwe.