Masangano anokweretesa mari nyika dzepasi rose reWorld Bank pamwe nere International Monetary Fund, anoti Zimbabwe inofanirwa kuvandudza zvinhu munyaya dzezvematongerwo enyika, kodzero dzevanhu, uye kuzadzikisa chibvumirano cheGlobal Political Agreement, kana ichida kukwereteswa mari, kana kupihwa rumwe rubatsiro nemasangano anobatsira pasi rose.
Mashoko aya akaudzwa kuna VaJoram Gumbo, vanova chief whip weZanu-PF mudare reparamende. VaGumbo vange vachishanya muno muAmerica semutevedzeri wemutungamiri wedare rePan African Parliament.
VaGumbo ndivo nhengo yeZanu-PF ine chigaro chepamusoro kushanya kuAmerica, zvichitevera kushanya kwegurukota rezvekushanyirwa kwenyika, VaWalter Mzembi, avo vakaenda kuAmerica nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, gore rapera.
Vaviri ava havasi havo pavanhu vakatemerwa zvirango zvekufamba neAmerica. VaGumbo vanoti vakavimbiswa kuti Zimbabwe, Mozambique neSouth Africa, dzichabatsirwa munyaya dzemagetsi.