Accessibility links

Breaking News

IMF Yoshanyira Zimbabwe


IMF
IMF

Nyanzvi dzeIMF dziri kuita misangano negurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, gavhuna webhanga guru renyika, VaJohn Mangudya, pamwe nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi.

Chikwata chenyanzvi dzesangano rinokweretesa pasi rose,International Monetary Fund, IMF, chiri muZimbabwe umo chiri kuita hurukuro dzehirongwa che staff monitored program chakapera muna Zvita. Chikwata ichi chiri kuitawo ongororo yepagore inozivikanwa nekuti Article Four.

Nyanzvi dzeIMF dziri kuita misangano negurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, gavhuna webhanga guru renyika, VaJohn Mangudya, pamwe nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi.

Zimbabwe iri kuda kuti paitwe hurongwa hwekuti ikwanise kubhadhara mari yakawedzerwa mushure mekutadza kwayo kubhadhara chikwereti nenguva.

Mari yechikwereti iyi inosvika bhiriyoni imwe chete nemazana masere ezviuru zvemadhora.

Zimbabwe ikabhadhara mari iyi inenge yava kukodzera kukwereteswa imwe mari neIMF.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vari mukuru weLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze, vanoti Zimbabwe ichanetseka kubhadhara mari yechikwereti iyi sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG