Mhuri yemurwiri wekodzero dzevanhu akapambwa akatsakatika makore mana apfuura, inoti ichange ichiparura nemusi weChitatu chirongwa chekurangarira VaItai Dzamara.
VaDzamara vakapambwa vakatsakatika musi wa Kurume 9, 2015.
Chirongwa che Itai Dzamara Trust chiri kuparurwa musi weChitatu, Nyamavhuvhu 7, rinova zuva rakaberekwa murwiri wekodzero dzevanhu uyu, uyo ari kusvitsa makore makumi mana ekuberekwa musi uyu.
VaItai Dzamara vaive mutori wenhau akasiya basa rekutora nhau achiti ava kurwira kodzero dzevanhu kudzamara hurumende yeZanu PF, pamwe nemutungamiri wayo panguva iyi, VaRobert Mugabe, vasiya basa.
Munin’ina waVa Itai Dzamara, Doctor Patson Dzamara, vanoti vari kuparura chirongwa ichi senzira yekurangarira basa rakakosha raiitwa nemurwiri wekodzero uyu.
Doctor Dzamara vanoti hurumende yeZanu PF inoziva kwayakaisa hama yavo, uye havasi kuzodzokera shure pahurongwa hwekuisa mwenje kubasa raiitwa naVaItai Dzamara.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende yeZanu PF pamashoko ataurwa naDoctor Dzamara sezvo nharembozha yemutauriri webato iri, Va Simon Khaya Moyo, yanga ichinetsa kubata.
Zvichitevera kutsakatika kwaVa Itai Dzamara, dare repamusoro rakakomekedza mapurisa kuti aferefete zvakaitika pana VaDzamara, uye kuti azivise dare iri zvaanenge awana mukati memasvondo maviri ega ega.
Asi kusvika pari zvino, hapana chati chabuda pakutsvagwa kwaVaItai Dzamara.
VaItai Dzamara vakasiyiswa mudzimai, Sheffra, nevana vaviri, Nokutenda naNenyasha.
Facebook Forum