Accessibility links

Breaking News

VaTomana Voridzirwa Pito Vachinzi Vatadza Basa


Judiciary Service Commission, JSC, inoti gweta guru renyika, VaJohannes Tomana, vanofanira kusiya basa nenyaya yekusatevedzera mitongo yematare epamusoro sezvinodiwa nebumbiro remitemo.

Judiciary Service Commission, JSC, inoti gweta guru renyika, VaJohannes Tomana, vanofanira kusiya basa nenyaya yekusatevedzera mitongo yematare epamusoro sezvinodiwa nebumbiro remitemo.

JSC ina sachigaro uye ari mutongi mukuru wematare, VaGodfrey Chidyausiku, pamwe nedzimwe nhengo dzinosanganisira mutongo mutungamiri wedare repamusoro pamwe nevamwe vatongi vedare iri.

JSC inoti VaTomana havachakodzere zvachose kuti vave gweta guru rehurumende uye nyaya yekuti vakatopotsa vaendeswa kujeri panyaya yavairamba kuchuchisa nhengo yeZanu-PF, VaMunyaradzi Kereke, vari kupomwera mhosva yekubata chibharo, munongedzo wekuti munhu asisafanire kuva muhofisi.

Studio7 yange yatoudzwa neMuvhuro nevamwe vakuru muhurumende kuti VaMugabe vave mubishi kuumba komiti yekutanga kuferefeta VaTomana uye vakabatwa nemhosva, vanodzingwa basa.

Asi VaTomana vatokwira kudare repamusoro vachiti zviri kuitwa neJSC hazvisi pamutemo.

Hatina kukwanisa kubata VaTomana kanawo gweta ravo, VaThabani Mpofu.

Asi nyanzvi munyaya dzemitemo, uye vachidzidzisa mitemo paKent University kuBritain, Doctor Alex Magaisa, vanoti havaoni VaTomana vachipona munyaya yasimudzwa neJSC.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG