Kanzuru yeHarare iri kuyambira vanhu vane dzimba dzakaputswa kuBudiriro 5 kuti vasiyane nekuvaka zvakare nekuti vacharamba vachirasikirwa nemari sezvo kanzuru icharamba ichiputsa dzimba idzi.
Vanhu vazhinji vakaputsirwa dzimba dzavo nemusi weChitatu neChitatu vakaswera vachivaka dzimba dzavo zvekare pamwe nekunyorera matsamba kukanzuru yeHarare pamwe nehurumende vachitsanangura kuti vari kuvaka zviri pamutemo uye vanoda kuripwa kuputswa kwakaitwa dzimba dzavo.
Chipangamazano mumubatanidzwa weHannah Housing Co-operative, Amai Stella Bhingari, vaudza Studio7 kuti vari kutoda kuripwa sezvo zvakaitika zviri kunze kwemutemo.
Asi mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme, vaudza Studio 7 kuti vanhu ava vari kutambisa nguva nemari yavo nekuti vari kuvaka panzvimbo isingabvumidzwe sezvo iri matoro.
Asi Amai Bhingari vati vanoshamiswa neizvi sezvo mamwe mapazi ehurumende akatotarisa nzvimbo iyi akavapa magwaro ekuti vavake.
VaChideme vayambira vanhu nekuramaba vachityora mutemo.
VaChideme vati zvakakosha kuti vanhu vasabhadhare mari pasina kujeka uye vanofanira kuenda kukanzuru kunobvunza pamusoro penzvimbo dzavanoda kutenga pokuvakira vasati vabhadhara mari kungave kumushandirapamwe, vanhuwo zvavo kana makambani anotengesa nzvimbo dzekuvakira.
VaChideme varatidza Studio 7 mutongo wakaitwa nemutongi wedare repamusoro reHigh Court, Justice Benjamin Chikowero musi wa28 Nyamavhuvhu wekuti vanhu vese vari panzvimbo iyi inonzi The Remainder of Glen Eagles Farm Budiriro Township vabve panzvimbo mukati memazuva gumi nemana kana vatadza kuita izvi vozobviswa nechikonzi nemapurisa.
Facebook Forum