Accessibility links

Breaking News

NCA Inoshora VaKasukuwere


VaSavior Kasukuwere
VaSavior Kasukuwere

Vakafanobata chigaro chemutauriri weNCA, VaMadock Chivasa, vanoti mashoko aVaKasukuwere ekuda kuvandudza mutemo kuitira kuti vapfumi chete vapinde mumakanzuru ipfungwa yemunhu asingaremekedzi varombo, izvo bato ravo ravo rinoshura zvikuru.

Bato rinopikisa reNational Constitutional Assembly, NCA, rinoti riri kushora zvikuru mashoko egurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaSavior Kasukuwere, ekuti vanhu vanofanirwa kusarudzwa kuve makanzura vanofanirwa kunge vari vanhu vakadzidza, vane hunyanzvi uye vane dzimba dzavo.

VaKasukuwere vanonzi vakataura mashoko aya nemusi weChipiri pamusangano wavakaita nevane chekuita nekufambiswa kwemakanzuru muHarare, vakati hurumende ichavharira kunze vose vasina zviga izvi kuti vasapinda mumakanzuru senzira yekuvhara huwori.

Asi mugwaro rayaburitsa neChina, NCA inoti mashoko aVaKasukuwere aya haana kusiyana nekuti hurombo imhosva nekudaro varombo havachina kodzero.

Vakafanobata chigaro chemutauriri weNCA, VaMadock Chivasa, vanoti mashoko aVaKasukuwere ekuda kuvandudza mutemo kuitira kuti vapfumi chete vapinde mumakanzuru ipfungwa yemunhu asingaremekedzi varombo, izvo bato ravo ravo rinoshura zvikuru.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG