Accessibility links

Breaking News

VaMlilo Vanoti VaBiti Vari Kubatwa Zvakanaka Chose neHurumende yeZambia


FILE: Zimbabwe's new finance minister Tendai Biti talks at a news conference in Harare Wednesday Feb. 18, 2009. Biti, now in charge of the country's finances said he had started paying civil servants in U.S. dollars, pledging to get a country crippled by
FILE: Zimbabwe's new finance minister Tendai Biti talks at a news conference in Harare Wednesday Feb. 18, 2009. Biti, now in charge of the country's finances said he had started paying civil servants in U.S. dollars, pledging to get a country crippled by

Gweta riri kufamba nemutungamiri wePeople’s Democratic Party, uye vari nhengo huru yeMDC Alliance, VaTendai Biti, rinoti VaBiti vakasarudza kuti vapinde muhupoteri kuZambia sezvo hupenyu hwavo huri panguva yakaoma muZimbabwe.

VaNqobizitha Mlilo vati VaBiti vakachengetedzwa zvakanaka chose kuZambia zvichitevera kuedza kupambwa kwavo neChitatu apo vakasvika pamuganhu weZimbabwe neZambia kuChirundu.

VaMlilo vati pane vanhu vakaedza kupamba VaBiti asi vanhu ava vakatadziswa kuita izvi nevakuru vakuru vemuZambia, kusanganisirawo zvizvarwa zveZimbabwe zvaienda kuZambia, izvo zvakadya marasha pakanga poda kupambwa VaBiti.

VaMlilo vati hurumende yeZambia haisati yapindura kuchikumbiro chekuti VaBiti vapihwe hupoteri, kunyange hazvo paine mashoko ari kubuda achiti VaBiti vanyimwa hupoteri.

"VaBiti havasi muhusungwa. Vakuru vemuZambia vari kuvabata zvakanaka chose, uye vari kuchengetedza hupenyu hwavo," vadaro VaMlilo.

Kana VaBiti vakanyimwa hupoteri, VaMlilo vati pasi pemitemo yepasi rose, Zambia inosungirwa kusiya VaBiti vachienda kunyika yavanoda, kwete kuvadzosera kuZimbabwe.

Asi sangano reHuman Rights Watch rinoti ichokwadi kuti VaBiti nevamwe vavari kufamba navo vanoti VaMlilo, VaZachariah Godi, VaTawanda Chitekwe, VaKudakwashe Simbaneuta, pamwe naVaClever Rambanepasi, vanyima hupoteri neZambia.

Human Rights Watch inotiwo gweta remuZambia, VaGilbert Phiri, vari kuedza kuti nyaya iyi idzwikwe mudare zvechimbi chimbi, uye kuti Zambia isadzosere VaBiti nevamwe vavo kuZimbabwe.

Nhengo yeZanu PF, VaGadzira Chirimhanzu, vanoti havaoni chingatizirwa munyika naVaBiti vachinotsvaka hupoteri.

"Hapana chiri kutizirwa munyika nemukoma wako Tendai Biti. Matare ari muno. Kana achinyatsoziva kuti hapana mhosva yaakapara, ngaadzoke amire pamberi pematare," vadaro VaChirumhanzu.

Mukuru weVanguard Africa, VaJeffrey Smith, vanoti vari kuona kuti America yaona zvaingaite pane zviri kuitika pana VaBiti.

VaBiti vakatiza muZimbabwe neChitatu zvichitevera kupomerwa mhosva kwavari kuita yekuburitsa zvakabuda musarudzo Zimbabwe Electoral Commission isati yazivisa zvakabuda musarudzo.

Nyika dzepasi rose dzakaisa maziso adzo paZimbabwe zvichitevera sarudzo dzakaitwa muranyararo, asi pakazoitika mhirizhonga yakasiya vanhu vanomwe vafa mushure mekupfurwa nemauto.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG