Accessibility links

Breaking News

Magweta Ava Bennett Anoti Mawoko Ava Bhunu Akasviba


Magweta ava Roy Bennett anoti mawoko aVa Bhunu akasviba saka vanofanira kuzvibvisa panyaya iyi.

Magweta ari kumirira mubati wehomwe mu MDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai, va roy bennett, aisa chikumbiro kudare repamusoro chokuti mutongi wedare iri, Va Chinembiri Bhunu, vasanzwe nyaya iyi vachiti maoko avo akasviba.

Va Bennett vari kupomerwa mhosva yokuwanikwa vaine zvombo zvehondo uye kukurudzira kupandukira hurumende yaVa Robert Mugabe hurumende yemubatanidzwa isati yaumbwa.

Mutori wedu wenhau, Thomas Chiripasi, anotipa nyaya iyi.

Rimwe remagweta ari kumirira VaBennett, Va Trust Maanda, vanotiwo vaona zvakakodzera kuti vakumbire kuti VaBhunu vasatonge nyaya iyi zvichitariswa nhoroondo yaVaBhunu.

Vanotiwo Va Bhunu kana vakabvuma kuzvibvisa panyaya iyi, vanenge vabatsira mukuratidza zvinofanirwa kuitwa nevamwe vatongi vanenge vasingafarirwe nerimwe divi panyaya inenge ichitongwa.

Dzimwe Nhau Dziri Kubva KuStudio7...

XS
SM
MD
LG