Nemusi weChishanu neguva dza 2 masikati, ruzhinji rweZimbabwe pamwe nedzimwe nyika rwunenge rwakatarisira kunzwa mutongo uchapihwa nedare reConstitutional Court panyaya yekusatambira zvakabuda musarudzo yakakwidzwa nemutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa.
Mutongo unenge wapihwa nedare iri hauna anopikisa uye anenge anzi akunda anenge otoreswa mhiko.
Asi mubvunzo une wakawanda ndewekuti munhu anenge anzi nedare akakunda angakwanise here kubatanidza nyika iyo yoita seyakageza negoka munyama. Vaongorori vesarudzo vakawanda vakati havo sarudzo dzakaitwa murunyararo asi pane zvakawanda zvisina kufambiswa zvakanaka nesangano reZimbabwe Electoral Commission, Zec.
Nhengo yeMDC Alliance, uye vari gweta, VaJacob Mafume, vanoti magweta avo akaratidza pachena kuti Zec haina kufambisa sarudzo zvakachena.
Asi rimwe gweta remutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, VaTinomudaishe Chinyoka, vanoti magweta aVaChamisa vakakundikana kuburitsa humbowo hwekuti sarudzo dzakabirirwa.
Facebook Forum