Paita ropa rakaipa zvikuru pakati pemhuri yevaive mutevedzeri wemutungamiri wenyika, uye vakambotungamira bato rePF Zapu risati rabatana neZanu PF muna 1987, VaJoshua Nkomo, nevanhu veZanu PF vari muhurumende. Vanhu ava vanosanganisirawo mutungamiri wenyika, uye vari mutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, pamusoro pehurongwa hwekuda kuiswa kwechiumbwa chaVaNkomo, pedyo nenzvimbo ine zita rine chekuita nedzinza raVaMugabe.
Politiburo yeZanu PF, kuburikidza nebazi rezvekutongwa kwematunhu, inonzi ine hurongwa hwekuisa chivezwa ichi pedyo neKarigamombe Centre muHarare, zita rechivakwa ichi rinove redzinza raVaMugabe. Zita rekuti Karigamombe raishandiswa musarudzo dzemuna 1985 senzira yekushora bato raVaNkomo musarudzo idzi. Bato raVaNkomo raishandisa mufananidzo wengunzi iri kuda kurwa.
Vamwe vachitungamirirwa nemhuri yaVaNkomo, vari kuramba kuti kanzuru iise chivezwa ichi panzvimbo iyi, sezvo kuita izvi kuri kuninipisa mabasa akaitwa nemuchakabvu. Mwana waVaNkomo wekutanga, Muzvare Thandiwe Nkomo, anoti haatenderani nepfungwa iyi, sezvo kuita izvi kuri kunyomba muchakabvu.
Sachigaro mutsva weZapu, VaDumiso Dabengwa, vanoti havazivi kuti pfungwa yekuti chimwe chiumbwa chiende kuHarare yakabva kupi, sezvo pavakanga vachiri muZanu PF, hutungamiriri hwebato iri hwakatenderana kuti chiiswe kuBulawayo chete sechikumbiro cheBulawayo City Council.
Imwe nyaya yonetsa inyaya yekuti kambani yeMining Industry Pension Fund, varidzi venzvimbo iri kuda kuiswa chivakwa ichi, vari kuti vainge vakaronga kuvaka nzvimbo yekutandarira kwete kuisa chiumbwa ichi.
Mutauriri weMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaNelson Chamisa, vati havana kubvira vasumwa nezvenyaya iyi muhurumende. VaChamisa vati zvido zvemhuri yekwaNkomo ngazviremekedzwe.
Munyori mukuru muMDC inotungamirwa naVaArthur Mutambara, VaWelshman Ncube, vatiwo bato ravo harina kuudzwa nezvechirongwa ichi muhurumende.
Imwe nhengo yeZanu PF, VaSikhanyiso Ndlovu, vati Studio7 haina kodzero yekutaura nezvaVaNkomo sezvo ichitepfenyura iri kunze.
VaPedzisayi Ruhanya vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, uye vachishanda neCrisis in Zimbabwe Coalition. VaRuhanya vanoti Zanu PF inofanirwa kuremekedza zvido zvemhuri yaVaNkomo.
Mumiriri weMagwegwe mudare reparamende, uye vachimirira MDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaFelix Magalela Mafa, vanotiwo mhuri yekwaNkomo yakatadza kubata nyaya iyi payakaona Zanu PF yomhanyira kudoma VaNkomo segamba.
Nyanzvi munyaya dzemagariro, uye mafungiro evanhu, Professor Gordon Chavhunduka, vanova zvakare mutungamiri weZINATHA, vanoti hurongwa uhu hukaenderera mberi, panenge paninipiswa mabasa ose akaitwa naVaNkomo vachiri vapenyu.