Accessibility links

Breaking News

Mamwe Makambani Anonzi Achatadza Kuvhura Panopera Chirongwa Chekurwisa Coronavirus


Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti kuvhura mabhizimisi mashoma kuri kuitwa nehurumende kunombogona kubatsira zvishoma asi zvinhu zvicharamba zvakaita manyama amire nerongo muZimbabwe.

Nyanzvi idzi dziri kuyambirawo kuti mamwe mabhizimisi achatadza kuvhura zvachose panopera chirongwa chekurwisa coronavirus.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangangwa, vakazivisa nemusi weSvondo KuState House muHarare kuti vainge vawedzera nguva yekuti vanhu vagare mudzimba kuyedza kudzivirira kupararira kwechirwere checoronavirus kusvika musi wa 3 Chivabvu.

Makambani ari kuvhura anosanganisira emigodhi nemamwe mafekitari ange ambovharwa.

Kunyika yeZimbabwe coronavirus waita mudzimu wakupa ronda kuti nhunzi dzikudye nekuti hupfumi hwagara huchikamhina kwenguva yekareba.

Mukuona kuti hupfumi hunogona kubva hwagwadama, VaMnangagwa vakati makambani akaita seemigodhi, kutengeswa kwefodya nemamamwe atange kushanda asi vanhu vachitangwa vavhenekwa chirwere checoonavirus. Gurukota rezvemaindasitiri, Dr Sekai Nzenza, vanotsinhira Mashoko aya.

Mutungamiri wesangano revashandirwi reEmployers Confederation of Zimbabwe, Dr Israel Murefu, vanotambira danho rehurumende.

Asi kumisika yefodya yaifanira kutanga kutengesa neMuvhuro rakava gangaidzwa kumukwenyi mhezi yavavira mudumbo sezvo zvakanetsa kuti yotengeswa sei.

Vanotengesa fodya vakamboda kushandisa humhizha hwechizvino zvino hwemavhidhiyo asi zvakakona n’anga murapwa achida.

Fodya, sematauriro aMuzvinafunso Gift Mugano, yakakosha zvikuru mukusimudzira hupfumi hwenyika.

Mutungamiri weZCTU, VaPeter Mutasa, vanotendawo kuti kumaindasitiri zvinhu hazvina kumira zvakanaka.

Vanoongorora nyaya dzezvehupfumi, VaMasimba Kuchera, vanoti kuvhurwa kwemakambani mashoma idonwe remvura mugwenga.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, uye vari mukuru wesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Dr Godfrey Kanyenze, vanoti vapinda mukanwa mamupere kare ndevekushanyirwa kwenyika.

Izvi zvatsinhirwa nemutauriri weZimparks, VaTinashe Farawo, vanoti vave kutadza kuita mabasa avo ekuchengeta mhuka sezvo vasina mari yakawanda yekushandisa sezvo munyika musina vashanyi vari kuuya.

Munyika dzakaita seAmerica neBrazil pave nekukandirana makobvu nematete pakati pevanhu vamwe vachiti mabhizimisi avhurwe asi vamwe vachiti kuita izvi chirwere checoronavirus chichine hukasha kukoka mhepo wakatakura mamera mutswanda.

Zimbabwe National Chamber of Commerce yakayambira kuti hupfumi huchadzikira nezvikamu zvipfumbamwe kubva muzana uku International Monetary Fund ichiti huchadzika nezvikamu zvisere kubva muzana nekuda kwekuvharwa kwemaindustry uku.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG