Sangano reCenter for Research and Development rinoti mangoda anoita 2 000 carats anobiwa zuva roga-roga pamughodhi weCanadile uri kwaMarange.
Sangano iri rinoti ongororo yaraita yaratidza kuti mangoda aya anobiwa nevashandi vekambani iyi pamwe chete nemasoja anochengetedza mighodhi yekwaChiadzwa.
Mashoko aya ari kubuda apo nhumwa yeKimberly Process, Va Abbey Chikane, vari munyika vachizeya nyaya yemangoda aya.
VaChikane vakasangana nenhengo dzehurumende neMuvhuro vachikurukura nezvenyaya iyi, uye vari kutarisirwa kusangana nenhengo dzecabinet taskforce neChitatu.
VaChikane vachasangana zvekare nevemasangano akazvimirira oga. Center for Research and Development inoti ongororo yayo yaratidza kuti mangoda ari kubiwa kuCanadile aya ari kutengeswa zvisiri pamutemo kunyika dzakaita seChina, Israel neMozambique, uye vachairi vendege ndivo vari kushandiswa kutakura mangoda aya.
Hatina kukwanisa kunzwa divi reCanadile kana vakuru vemasoja nezvenyaya iyi. Asi mutungamiri weCenter for Research and Development, VaFarai Maguwu, vanoti zviri kuitika kwaMarange zvinonyadzisa, uye hurumende iri kurasikirwa nemari yakawanda zvikuru.