Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vanocherechedza Mwedzi weVanhukadzi Vachikurudzira Kuwaniswa Mikana Yakaenzana


Zimbabwe Council Of Churches Women Pray For Peaceful Elections
Zimbabwe Council Of Churches Women Pray For Peaceful Elections

Vanhu vakawanda vaungana muHarare vachicherechedza mwedzi wekurangarira mabasa anoitwa nevanhukadzi vazhinji vachiti zvakakosha kuti paitwe mutemo unoomesera vanhu vasinga tevedzeri zvinodiwa nebumbiro remitemo yenyika pakuyenzanisa mikana pakati pevanhurume nevanhukadzi.

Vakawanda vataura pamusangano uyu vati nyika ine bumbiro nemitemo inosimudzira madzimai munyika, asi hapana chido chekutevedza zviri mubumbiro iri.

Gweta vachishanda nesangano reWomen’s Coalition, Muzvare Mercy Jaravani, vati bumbiro rine zvikamu zvakawanda zvinosungira kuti pave nekuenzana kwemikana pakati pevakadzi nevarume asi izvi hazvisi kuitika nekuti hapana kuzvipira kubva pane avo vari pazvigaro.

Vatiwo handihurumende chete isiri kutevedza bumbiro vachiti dambudziko iri riri mudzisvondo, masangano akasiyana siyana, makambani pamwe nemumayunivhesti.

Vatiwo sekuona kwavo, paramende inofanira kudzika mutemo unotara zvirango zvekupavanotadza kutevedza bumbiro nemitemo inoenzanisa mikana pakati pevakadzi nevarume.

Mumwe wechidiki anorwira kodzero dzemadzimai zvakare achiita zvidzidzo zvemutemo, Muzvare Namatai Kwekweza, vati hazvivashamisi kuti hapana kuzvipira pakuenzanisa mikana nekuti varume havadi kurasikirwa nemasimba.

Ati vakadzi nevarume vanofanira kushanda zvakasimba kuona kuti mikana yaenzaniswa sezvo kutadza kuita izvi kuri kutyora bumbiro remitemo yenyika.

Mukuru wesangano re Helpline Zimbabwe iro rinoshandira kudunhu reMashonaland Central, Amai Eunice Hove, vaudza musangano uyu kuti kunyange hazvo bumbiro rakanaka chose panyaya yekusimudzira madzimai, bumbiro iri harizikamwi kumaruwa.

Vati kana madzimai akaziva mutemo anokwanisa kurwira kodzero dzawo zvine simba.

Musangano wanhasiwaitwa senzira yekucheredza kukosha kwemadzimai, National Women Month uko kunoitwa muna Kurume gore rega.

Musangano uyu waitwa pasi pendingindira rekuti #Balance for Better, uye wange wakarongwa neStudio7 ichishanda neMedia Center.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG