Accessibility links

Breaking News

Kugadzikana Koonekwa muAnglican Church


Mapurisa emu Harare anonzi ava kutevedza mutongo wedare repamusoro wakaitwa neMugovera wekuti asambunyikidze vanamati ve Anglican Church.

Vanamati vari pasi pe Church of the Province of Central Africa (CPCA), uye vachitungamirwa na Bishop Chad Nicholas Gandiya, vanga vachitadziswa kupinda chechi nemapurisa, ayo anga achishanda nevaimbova Bishop ve Harare Diocese, Va Nolbert Kunonga.

Justice Tedius Karwi vakati mapato maviri aya apinde svondo nguva dzakasiyana, uye hapana divi rinofanirwa kupinda chechi munguva isiri yaro. Gweta reCPCA, VaMike Chingori, vanoti pari zvino vanhu vese vari kunamata kuti mapurisa achengetedze chitsidzo chavo mudare.

Vanotaura vakamirira divi raVa Kunonga, Bishop Alfred Munyanyi, vanoti havasi kutsukunyuka kubva pavamire panyaya iyi. Bishop Munyanyi, kwavari nevamwe vavo, VaKunonga ndivo mukuru mumwe chete we Anglican Church mu Harare.

XS
SM
MD
LG