Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Otsvaga VaMare neNyaya yeMangoda


Mapurisa aya anonzi abva ku Law and Order Section yepa Harare Central. Vashandi vemudare reparamende vanonzi havana kupa mapurisa nhamba yepamba paVa Mare

Mapurisa anonzi nhasi aenda kudare reparamende achitsvaga mumiriri we Chiredzi South mudare reparamende, Va Moses Mare, vachida kuziva kumba kwavanogara. Zvinonzi mapurisa ati vanoda kuvapa masamanisi ekuvaendesa kumatare edzimhosva pamusoro penyaya yekwaMarange.

Mapurisa aya anonzi abva ku Law and Order Section yepa Harare Central. Vashandi vemudare reparamende vanonzi havana kupa mapurisa nhamba yepamba paVa Mare.

Zvinonziwo vanhu ava havana kuudza mapurisa kunowanikwa vamare vachiti izvi zvinoitwa chete nemunyori weparamende, Va Austin Zvoma, avo vanga vasipo. Hatina kukwanisa kunzwa divi remapurisa nekuti nhare yemutauriri wemapurisa, Va Wayne Bvudzijena, yanga isingadairwi.

VaMare ndivo vega nhengo yekomiti yeparamende inoona nezvezvicherwa vari kutaura pamusoro pekukundikana kwekomiti yavo kuenda kwaMarange kunoita basa rayo.

Nezuro komiti iyi yakaudzwa nebazi rezvemigodhi kuti bazi iri harisungirwe kuipa mvumo yekuenda kwaMarange.

Ukuwo mapurisa anoti haakwanise kupa komiti iyi mvumo yekuenda kwaMarange, kana asina kupihwa mvumo yekuita izvi nebazi rezvemigodhi.

XS
SM
MD
LG