Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Oda Humwe Humbowo Kubva kuKanzuru yeHarare


Mapurisa ashevedza neChipiri mumwe kanzura weHarare, Amai Charity Bango, achiti anoda humwe humbowo nezvimwe zvingaabatsire kuti achitanga kuferefeta nyaya yakamhangarirwa muzvibhizimisi, VaPhilip Chiyangwa, gurukota rezvematunhu, VaIgnatius Chombo, nevamwe.


Amai Bango vati ichokwadi kuti vadaidzwa nemapurisa aya, ayo vati ari kuda humbowo panyaya yaVaChiyangwa pamwe nevamwe vashandi vekanzuru vanoti mukuru anoona nezvemari, VaCosmas Zvikaramba, pamwe nemukuru we urban planning services, VaPsychology Chiwanga,.

Vaviri ava vari kupomerwa mhosva yekubatsira VaChiyangwa kuwana nzvimbo yekuvakira pasingatevedzerwi zvisungo nemitemo yekanzuru.

Amai Bango, avo vainge vakabata chinzvimbo chameya weHarare, apo kanzuru yakamhan'arira VaChiyangwa nevamwe vavo kumapurisa, vati vave kutounganidza humbowo nezvose zvichasimbisa nyaya yekanzuru.

Kanzuru yeHarare yakamhan'ara nyaya iyi kumapurisa mushure mekunge ongororo yakaitwa nekomiti yekanzuru yaitungamirwa nakanzura we Mt Pleasant, VaWarship Dumba, yaratidza kuti vakuru vakuru muZanu PF vanosanganisira VaChiyangwa naVaChombo, vainge vatengeserwa kana kuchinjana nzvimbo yekanzuru vachityora zvisungo pamwe nemitemo yekanzuru iyi.

Komiti iyi inoti izvi zvayitwa nerubatsiro rwevamwe vashandi vakuru vakaita saVaZvikaramba, Chiwanga nevamwe.

Zvichitevera zvakaturwa nekomiti yaVaDumba, kanzuru yeHarare yakaita chisungo chekuti vese avo vainge vaita zvisina kururama, vasungwe izvo zvakazoita kuti VaChiyangwa, VaChiwanga naVaZvikaramba vamhan'arirwe kumapurisa.

Asi VaChiyangwa havana kufara nezvakabuda muongororo yekomiti yaVaDumba, vachiti manyepo anosvibisa zita ravo.

VaChiyangwa vakatosungisa meya weHarare, VaMuchadeyi Masunda, VaDumba pamwe nemamwe makanzura manonwe akashanda naVaDumba mukomiti mavo.

Nyaya iyi yave kumatare edzimhosva, uye VaChiwanga, VaZvikaramba pamwe nevatori venhau vanotarisirwa kupa hombowo pachatanga kutongwa nyaya iyi mwedzi unouya.

Zvichakadai, kanzuru yeHarare iri kuita musangano wayo wekupera kwemwedzi apo iri kutarisirwa kuita chisungo chekumisa basa VaChiwanga naVaZvikaramba, sezvo iri kuvapomera mhosva yekubiridzira kanzuru apo vakaita madhiri aya naVaChiyangwa, VaChombo nevamwe.

Vanoziva nezvenyaya iyi vanotiwo kana munyori wekanzuru, VaTendai Mahachi, vangangomiswawo basa sezvo vaisaina mapepa ekutengesa nzvimbo dzekuvikira pasina kushandiswa mitemo yekanzuru.

XS
SM
MD
LG