Masangano evadzidzisi ari kushora hurumende achiti haisi kuterera zvichemo zvavo.
Zvichitevera musangano wakaitwa pakati pehurumende nekanzuru inomiririra vashandi vehurumende yeAPEX Council, rimwe sangano rinomiririra vadzidzisi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe (PTUZ), riri kuti APEX Council haigone kumiririra vadzidzisi nekuti inotora divi rehurumende pese panenge pachiitwa hurukuro dzekuedza kugadzirisa zvinonetsa.
Nezuro, mutauriri wesangano revadzidzisi vekumaruwa, reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, rakashora hurumende pamwe chete neAPEX Council, richiti vanhu vamwe chete vasina hany'a nezvichemo zvevadzidzisi.
Mutungamiri wePTUZ, Doctor Takavafira Zhou, vaudza Studio 7 kuti kuramba kwehurumende kuteerera zvichemo zvevadzidzisi kwasvitsa zvinhu pasisina kunaka.
“APEX Council haisi iyo yega nzira yekusangana nehurumende. Sangano ripi zvaro rakanyoreswa zviri pamutemo rinokwanisa kuenda kumusevenzerwi richimirira vari nomirira,” Doctor Zhou vaudza Studio 7.
Vanoenderera mberi vachiti, “Saka ticharamba tichishandisa mukana uyoyo kuti tiende kumusevenzerwi.”
Doctor Zhou vati hurumende iri kukuridzira kuti varairidzi vasavimba nayo. Vatizve nyaya iyi yasarira mumaoko evarairidzi kuti vatenderane kuti votora matanho api.
Facebook Forum