Masangano ari kuongorora chirongwa chekunyorwa kwebumbiro idzva anoti akaona kutyorwa kwekodzero dzevanhu kanodarika chiuru mumisangano yeCopac yakaitwa muna Gunyana.
Gwaro raburitswa nemasangano aya rinoti vanhu vakawanda vakapinda mumisangano uyu ndeve kuMashonaland Central ne Midlands.
Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reZZZicomp, VaTendai Maregera, vanoti kodzero dzevanhu dziri kutyorwa pose panenge pachiitwa chirongwa chekunyorwa kwebumbiro idzva.
Chirongwa ichi chakambomiswa zvichitevera mhirizhonga yakaitika muHarare, Manicaland nedzimwe nzvimbo. Asi mumwe wemasachigaro eCopac, VaDouglas Mwonzora, vanoti chavamisa kupedzisa basa iri imari. Vanoti vakawana mari iyi vanobva vadzokera kunopedzisa basa rakasara.
Hurumende yemubatanidzwa inofanirwa kuumba bumbiro idzva iro richashandiswa pasarudzo dzichaitwa munyika. Hazvisati zvazivikanwa kuti chirongwa ichi chichapera riini.