Mashoko anotevera anotaura pamire hurumende yeAmerica pane zviri kuitika muUkraine.
Musi wa 14 Nyamavhuvhu 1991, Ukraine yakazvipatsanura kubva kuRussia ichizvipira kutora gwara rayo yega.
Asi Russia yakaramba kuti Ukraine ive nyika yakazvimirira yoga ndokutanga kutora mamwe matunhu enyika iyi, kupindira munyaya dzezvematongerwo enyika nekuda kuiudza zvekuita panyaya yekudyidzana nedzimwe nyika. Russia iri kudzivirirawo chido cheUkraine chekuti idyidzane nedzimwe nyika dzekumawiririra kweEurope.
Kwemakore akawanda, Russia yange ichikanganisa Ukraine zvakanyanya kuti isave nyika yakazvimirira ine hutongo hwejekerere.
Muna 2014, vanhu vemuUkraine vakabvisa pachigaro mutungamiri wenyika iyi VaViktor Yanukovych avo vakaramba kunyora chibvumirano chekudyidzana nenyika dzekumawirira ndokuti vainge vachida kunodyidzana neRussia.
Russia yakabva yapamba dunhu reUkraine reCrimean Peninsula. Yakayedzawo kutora matunhu anoti Luhansk ne Donetsk Oblasts ichinyepera kuti pane vanhu vainge vapandukira hurumende yeUkrain vachida kuzvipatsanura.
Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica VaAnthony Blinken vanoti vanhu vemuUkraine havana mufaro nekuda kwekuRussia.
Vanotiwo Russia iri kuyedza napose painogona kuvhiringidza Ukraine pane zvakawanda kusanganisira kupindira mumashandiro emapazi akasiyana siyana emunyika iyi uye kuitemera zvirango zvekuti isatenge gas nezvimwe nekushandisa kuti vanhu vashaye chivimbo nehurumende yenyika yeUkraine nekushandisa internet kuisvibisa.
VaBlinken vanoti Russia haina kugumira apa sezvo yakabva yatumira mamwe mauto anodarika zana rezviuru pamuganhu neUkraine uye kunyika iri pedyo nayo yeBlearus. Vanoti zviri pachena kuti Russia iri kuda kupamba Ukraine. VaBlinekn vati Russia iri kuti iri kuita izvi ichiti Ukraine iri kukonzera kuti isagadzikane.
VaBlinken vanoti izvi zvinoshamisa nekuti Russia ndiyo yaunganidza pamuganhu neUkraine uye kutora rimwe dunhu renyika iyi. Vanotiwo Russia ine mauto akawanda zvikuru kudarika Ukraine nezvombo zvenuclear.
Vaenderererawo mberi vachiti Russia ndiyo iri kutokonzera kusagadzikana muUkraine vachitiwo Ukraine ndiyo iri kuyedza kuti irarame. VaBlinken vati mushure mehondo mbiri dzepasi rose dzeWorld War 1 neWorld war 2 uye hondo yemashoko kana kuti cold war, pasi rose rakatenderana kuti hakuna imwe nyika yaizopamba imwe uye kuda kuiudza zvekuita nevekudyidzana navo.
Vatiwo zviri kuitika hazvisi zvekungoti Russia ichapinda here muUkraine nechisimba asi mbvunzo ndewekuti Ukraine ichapihwa here mukana wekuva nyika yakasungunuka.
Mashoko aya anotaura pamire hurumende yeAmerica pane zviri kuitika muUkraine.
Facebook Forum