Dunhu reMasvingo rave nemunhu wekutanga kuwanikwa aine chirwere cheCovid-19 zvichitevera kuziviswa kwakaitwa nebazi rezvehutano nezuro Manheru.
Vagari vazhinji vanoti vava kutyira kuti chirwere ichi chingangopararira zvakanyanya mushure memashoko ekuti kune vanhu vakawanda vari kubva kuSouth Africa vasiri kuvhenekwa chirwere ichi avo vazara mudunhu riri pamuganhu weZimbabwe neSouth Africa.
Munhu wekutanga kuva nedenda iri, anonzi akavhenekwa ari panzvimbo yeMasvingo Teachers College quarantine center.
Zvinonzi munhu uyu akabva kuSouth Africa uye acharamba ari munzvimbo yequarantine achiongororwa nana chiremba.
Asi vamwe vagari vemudhorobha vanoti nekubuda kwemashoko ekuti
chirwere chave munzvimbo yavo, vava kugara vakabatira hura
mumaoko apo huwandu hwevanhu vari kudzoka kubva kuSouth Africa
vachijamba bhodha huri kuwanda.
Mumwe mugari wemumusha weMucheke D, VaFrancis Tangire, vanoti pane mashoko ari kufamba anoti kune vanhu vakabva kunze kwenyika vasina kana kumboongororwa.
VaTafadzwa Maombera, avo vanogara mumusha weRujeko, vanoti vanhu vari kudzoka ava vanofanira kuendawo kunzvimbo dzequarantine kuitira kuti kutapurirana chirwere ichi kuite kushoma.
Vachibudisa mashoko ekuti chirwere chavemo, mutauriri we Covid-19
taskforce muMasvingo, VaRogers Irimayi, vakurudzira vagari kuti
vasavanze hama dzavo dziri kudzoka uye vavakidzani vamhangare kubazi
ravo kana paine vanhu vari mkupinda munyika vasina kuongororwa.
Sangano rinomirira vagari reMasvingo United Residents and Rate Payers
Allaince (MURRA), ratsinhirawo richiti vagari vasavige hama dzavo
dzinenge dzadzoka nekuti izvi zvinogona kukanganisa hutano hwedhorobha rose.
Vanoona nezvekufambisa kwebasa muMURRA, Muzvare Rumbaidzai Magurupira, vanoti sangano ravo rakatanga chirongwa chekudzidzisa vagari kuti vasaviga hama dzavo mudzimba uye vavakidzani kuti vamhangarire vanhu vanoonekwa vachityora mitemo yeNational Lockdown.
Vachitaurawo nevatori venhau, sachigaro wekomiti yeTaskforce mudunu
reMasvingo uye vari gurukota redunhu, VaEzra Chadzamira, vati komiti
yavo iri i kutaura nevanochengetedza runyararo kuti vawedzerwe
kunzvimbo dzebhodha dzinojambwa nevari kudzoka zvisiri pamutemo kuti
vasatize kuenda kunoongororwa.
VaChadzamira vakurudzirawo vagari veMasvingo kuti vasarohwe nehana
nemashoko ekuti chirwere ichi chave mudunhu vachiti hurumende
yakagadzirira zvakakwana mudunhu kurwisa chirwere ichi.
Munyori mubazi rezvekufambiswa kwemashoko munyika, VaNick Mangwana, vakabudisa mashoko ekuti mudunhu reMasvingo rine nzvimbo nhatu dzinochengeterwa vanhu dzinoti Rupanganwa, iyo ine vanhu makumi maviri nemumwe, Masvingo Teachers College, iyo ine vanhu mazana maviri nemakumi manomwe nevapfumbamwe, uye Masvingo Polytechnic, iyo ine vanhu zana negumi.
Facebook Forum