Bato rinopikisa reMovement for Democratic Change riri kushora zvikuru hurumende yemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nekwarinoti kuvarambidza kuita mhembererero dzekusvitsa kwavo makore gumi nemapfumbamwe bato iri raumbwa.
MDC inoti kana VaMnangagwa vachitaura nevekunze vanoti vanoremekdza mapato anopikisa asi zviri pachena kuti muromo hauzarirwe nerwizi.
Mhemberero idzi dzakambomiswa nemapurisa achiti aityira kupararira kwechirwere cheCholera.
Hatina kukwanisa kubata mutauriri weZanu-PF VaSimon Khaya Moyo kuti tinzwe divi ravo sezvo nharembozha yavo yange isiri kudairwa. Bato iri rave kuda kuitazve mhemberero idzi musi wa 27 Gumiguru mwedzi uno.
Mhemberero idzi dziri kukonzera kugeda geda kwemeno mubato reZanu-PF sezvo richinzi riri kutyira kuti mutungamiri webato iri VaNelson Chamisa vanogona kuzvigadza kuita mutungamiri wenyika.
National Executive yebato reMDC yakasangana nemusi weMugovera ikabuda nechisungo chekuti itsigire sangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions mukuratidzira kwarinenge richiita mune remangwana.
Mutauriri weMDC VaJacob Mafume vanoti hurumende iri kuenderera mberi ichityora kodzero dzevanopikisa.
Facebook Forum