Bato reMDC Alliance rinoti ririkuenderera mberi nekuratidzira kwarakaronga mangwana richikurudzirawo varatidziri kuti vasapfeke hembe dzemusangano sezvo vachiti kuratidzira uku ndekwevana veZimbabwe vatambura kwete zvematongerwo enyika.
Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau nhasi, mutauriri weMDC Alliance VaJacob Mafume vanoti vatowirirana nemapurisa uye kuratidzira kwavakaronga mangwana kuri kuenderera mberi.
VaMafume vati vana veZimbabwe vachange vachinyunyuta nemamiriro akaita zvinhu munyika kusanganisira kubhadhariswa mutero nemari yekunze, kushaikwa kwemari pamwe nekuondomoka kwehupfumi kurikuenderera mberi.
Vatiwo vanotove negwaro rehurongwa hwavanofunga kuti hungabatsire kuburitsa Zimbabwe mumatope mairi, vakati chakavakoshera ndechekuti munyika muve nenhaurirano yekugadzirisa zvinhu zvaenda kumawere.
Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa nezvirongwa muMDC Alliance, VaAmos Chibaya vati kuratidzira uku kuchaitwa murunyararo.
MDC Alliance yarambawo kuti kune kunetsana kwehutungamiriri mubato iri mushure mekubuda kweimwe vhidhiyo yairatidza dzimwe nhengo dzebato iri dziri muparamende dzichishora mumwe mutevedzeri waVaNelson Chamisa VaElias Mudzuri nekuenda kumusangano wakaitwa kuState House nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa. VaMudzuri vakati uyu wainge uri musangano wedare reparamende.
Muongorori wezvematongerwo enyika uye vachishanda neZimbabwe Democracy Institute VaBekhezela Gumbo vati kuratidzira nekunyunyuta kweveruzhinji kunogona kusunda hurumende kuti itsvake kugadzirisa matambudziko ari munyika.
Asi VaGumbo vati zviri kubato reZanuPF kuona kuti vanoda here kugadzirisa zviri kunetsa vakabatana neMDC sezviri kutarisirwa nebato reMDC Alliance.
Studio 7 yatadza kutaura nemutauriri weZanu PF VaSimon Khaya Moyo sezvo tatadza kuvabata panharembozha yavo. Asi nezuro munyori wevechidiki muZanu-PF VaPupurayi Togarepi vakaudza Studio 7 nezuro kuti vachadzivirira zvivakwa mudhorobha kuti zvisaputse.
Facebook Forum