Nhengo dzedare reZanu PF nhasi dzavhiringa musangano wekomiti yeparamende inoona nezvekuburitswa kwemashoko, dzichiti hapana nhengo yeMDC ichabvumidzwa kutungamira misangano yemakomiti kudzamara dzatambira VaEmmerson Mnangagwa semutungamiriri wenyika.
Komiti iyi yange ichifanira kunzwa kubva kune vaimbove makomishina eZimbabwe Media Commission pamusoro pebhiri reZimbabwe Media Commission iro rave kutozeiwa neparamende.
Sachigaro vekomiti iyi VaPrince Dubeko Sibanda veMDC vaudza Studio 7 kuti nhengo dzekomiti yavo kubva kuZanu PF dzaramba kuti vatungamire musangano pamwe nekuti musangano wacho uenderere mberi.
VaSibanda vati mangwana chaiwo vange vachifanira kuita musangano neveMedia Institute of Southern Africa-Zimbabwe pamusoro pekuvandudzwa kwemitemo yezvekufambiswa kwemashoko asi musangano uyu hauchaenderera mberi.
Vati vamisa misangano yese yekomiti iyi kudzamara vatungamiriri weparamende vagadzirisa zvinhu.
Imwe nhengo yekomiti iyi kubva kuZanu PF, VaWebster Shamu, vati nyaya yakonzera kuti musangano usanderere mberi inyaya yekuti nhengo dzeMDC hadzitambite hutungamiriri hwaVaMnangagwa.
Imwe nhengo yekomiti iyi, VaRegai Tsunga veMDC, vati makakatanwa aya ave kukanganisa basa reparamende uye nyaya iyi inofanira kugadziriswa.
Nhengo dzeZanu PF dzave nemasvondo maviri dzichivhiringidza misangano yemakomiti anotungamirirwa neMDC.
Nyanzvi yemutemo zvakare vachidzidzisa paUniversity of Zimbabwe muzvinafundo Lovemore Madhuku vati Zanu PF iri kukanganisa chose uye nhengo dzeZanu PF dzinofanira kurega paramende ichiita basa rayo.
Vati hapana chakaipa pane zvinoitwa nenhengo dzeparamende dzeMDC zvekubuda mudare kana VaMnangagwa vapinda kana kurega kupinda mudare kana varimo vachiti ndozvinotarisirwa kuitwa nebato rinopikisa.
Rimwe gweta, VaKudzayi Kadzere, vaudza Studio 7 kuti nhengo dzeZanu PF dziri kutotyora mutemo.
Vanoongorora nyaya dzematongerwo enyika, vachishanda nesangano reZimbabwe Democracy Institute, Doctor Pedzisayi Runhanya, vaudza Studio 7 kuti zvave kuitwa nenhengo dzeparamende dzeMDC kushambadza nyaya yeMDC yekuti haibvumi hutongi hwaVaMnangagwa.
Dr Ruhanya vati semaonero nyaya iyi yave kuda kuti VaMnangagwa naVaNelson Chamisa vataurirane pahuviri hwavo kuti vagadzirise dambudziko iri.
Zvichakadai komiti inotungamira paramende yeStanding Rules and Orders Committee iyo yaita musangano nhasi wekugadzirisa nyaya iyi haina chayabuda nacho sezvo nhengo dzeMDC dzabuda mumusangano uyu dzichiti hadzibvumirani dedanho range rave kuda kutorwa nekomiti iyi.
Zvinonzi komiti iyi inotungamirirwa nemutauriri weNational Assembly, Advocate Jacob Mudenda, yange yave kuda kuumba komiti ichaongorora maiitiro enhengo dzeMDC muparamende.
Facebook Forum