Accessibility links

Breaking News

South Africa Yoita Kunge Yakaberekera Ingwe


A member of the military walks as he inspects the damage at the looted Jabulani mall as the country deploys army to quell unrest linked to jailing of former President Jacob Zuma, in Soweto, South Africa, July 13, 2021.
A member of the military walks as he inspects the damage at the looted Jabulani mall as the country deploys army to quell unrest linked to jailing of former President Jacob Zuma, in Soweto, South Africa, July 13, 2021.

Mhirizhonga iri kunderera mberi muSouth Africa zvikuru mumatunhu eKwaZulu-Natal neGauteng umo matumirwa mauto mapurisa achiti vanhu vafa mumhirizhonga iyi kusvika pari zvino, vava makumi mana nevashanu.

Mumatunhu maviri aya maswera muine mhirizhonga nhasi vanhu vachitema motokari, kupisa matayi, kupwanya zvitoro vanhu vachitora zvinhu pamwe nekushungurudza vabvakure.

Nepamusana pemhirizhonga iyi, hurumende yeSouth Africa yaisa mauto munzvimbo idzi kuitira kuti abatsire mapurisa ayo ari kuratidza kuti ari kutadza kumisa mhirizhonga iyi.

Mhirizhonga iyi yakatanga mushure mekunge vaimbove mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vazviisa mumaoko emapurisa kuitira kuti vatange kupika jeri zvichitevera kuwanikwa kwavakaita vaine mhosva yekuzvidza dare.

VaZuma vakatongerwa kugara mujeri kwemwedzi gumi nemishanu mushure mekuwanikwa vaine mhosva yekuramba kumira pamberi pekomisheni yakaumbwa kuti iferefete huori hunonzi hwakaitika apo VaZuma vaive mutungamiri weSouth Africa kubva muna 2009 kusvika muna 2018.

Kusvika pari zvino, mapurisa anoti pane vanhu makumi mana nevashanu vafa mumhirizhonga iyi, uye vanhu vanodarika mazana mashanu vasungwa vachipomerwa mhosva yekutyora mitemo yenyika.

Mhirizhonga iyi, inoitika panguva iyo dare repamusoro soro muSouth Africa rakanzwa nezuro chikumbiro chaVaZuma chekuti dare iri riise paritvi kana kurasa mutongo wemhosva yavari kupikira mujeri kwemwedzi gumi nemishanu kujeri reEstcourt, mudunhu reKwaZulu-Natal.

Gweta raVaZuma, VaDali Mpofu, vanoti ivo naVaZuma havana daka nekuongororwa kuri kuitwa nyaya yehuori asi havasi kufara nekutyorwa kwekodzero dzaVaZuma sezvo vasiri kupihwa mukana uri mubumbiro remitemo wekuti vatongwe zvinovagutsa.

Masangano anomirira kodzero dzevanhu muSouth Africa ari kuyambira mhuri dzinobva kunze kweSouth Africa, kunyanya zvizvarwa zveZimbabwe, kuti zvingwaririre mhirizhonga iri kuitika munyika iyi, uyewo kuti zvisatyore mitemo panguva iyi sezvo zvisingape chimiro chakanaka kunyika yazvo.

Izvi zvinotevera mavhidhiyo ari kubuda aine vanhu vekuZimbabwe vari mumhirizhonga iyi vamwe vachitora zvinhu muzvitoro vachizviunganidza mudzimba dzavo.

Sachigaro veZimbabwe Exiles Forum, VaGabriel Shumba, vati kuba zvinhu muzvitoro hazvipe chimiro chakanaka kuzvizvarwa nenyika yeZimbabwe.

VaShumba vati vanhu vanofanira kuziva kuti vakauya kuSouth Africa kuzotsvaga raramo yakanaka yavari kushaya kuZimbabwe.

VaShelton Chiyangwa, veZimbabwe Migrant Support Network, vashorawo kubiwa kuri kuitwa zvinhu muzvitoro nezvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa.

Hurumende yeSouth Africa yazivisa kuti ichasunga vose vari kutyora mitemo yenyika.

Zvitoro zvose nedzmwe nzvimbo dzavharwa nehurumende pachityirwa kuenderera mberi kwemhirizhonga iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG