Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chikunguru 18, 2018.


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Chikunguru 18, 2018.

Vari kukwikwidza vakamirira MDC Alliance kuGoromonzi West, VaLuke Tamborinyoka, vanoti vatsigiri vavo vari kutyityidzirwa nemauto pamwe nevaimbove varwiri vehondo yerusununguko.

Vaimbove nhengo yeZanu PF, Doctor Godfrey Gandawa, avo vari kukwikwidza musarudzo yemumiriri weMagunje vakazvimirira, vanoti havafi vakavhotera mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, musarudzo yemutungamiri wenyika.

Chizvarwa cheZimbabwe chinogara muAmerica, Muzvare Chioneso Annie Marcolus, vokwikwidza vakazvimirira musarudzo yeZengeza West.

Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vopinda mudunhu reGutu kuMasvingo vachitsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo dzichaitwa musi wa 30 Chikunguru.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, voita musangano nevarairidzi paCelebration Center muHarare

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm nhasi tiri kutarisa zviri kuitika munyaya dzesarudzo muZimbabwe

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG