Mamwe mapato anopikisa hurumende yeZanu PF anoti haasi kufara nemashoko emutevedzeri wemutungamiri wenyika, Va Emmerson Mnangagwa, ekuti vose vachada kuongorora sarudzo dzemuna 2018 vanhu vanobva kumasangano anenge achifarirwa nehurumende iripo.
Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, svondo rino vakakatyamadza mapato anopikisa pavakati vese vachauya kuzoongorora sangano sarudzo vanhu vanobva kumasangano anofarirwa nehurumende yaVa Robert Mugabe.
Mashoko aVa Mnangagwa aya anouyawo apo hurumende iri mubishi kuedza kumutsiridza kudyidzana pakati payo nenyika dzekumavirira mushure mekunge nyika yave nemakore akati kuti ichiita hwezai regondo zvichitevera kubirira kunonzi kwakaita bato reZanu PF musarudzo dzakawanda dzapfuura.
Vaimbova gurukota rezvemari muhurumende yemubatanidzwa uye vari mutungamiri webato rePeople’s Democratic Party, Va Tendai Biti, vanoti mashoko aVa Mnangagwa aya anodzosera nyika kumashure.
Mutauriri weMDCT, Va Obert Gutu, vanotiwo zvakataurwa naVaMnangagwa izvi zvinoratidza kuti bato reZanu PF ratotanga kare kugadzirira kubirira sarudzo dzemuna 2018.
Va Biti vanotiwo zvakataurwa naVaMnangagwa hazvitarisirwe kubva kumunhu ari kugadzirira kutora matomhu kubva kuna VaMugabe.
VaMnangagwa ndevamwe vevakuru-vakuru muZanu PF vanozni vari kutungamira chimwe chezvipoka zviri mubato iri zviri kurwira kutora masimba kana VaMugabe vachinge vabva pachigaro.
Izvi zvakatsinhirwa naVa Elvis Mugari vanove mutungamiri we Democratic Assembly for Restoration and Empowerment.
VaMugari vanoti hurumende inofanira kutanga yabvunzawo mamwe mapato anoda kukwikwidza musarudzo isati yatora matanho ainenge ichida iyo.
Sarudzo dzose dzakaitwa kubva pakavambwa MDC muna 1999 dzinonzi hadzina kufambiswa zvakanaka bato reZanu PF richipomerwa mhosva yekubirira nekushandisa mhirizhonga musarudzo idzi.
Zvichakadai, nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda vakazvimirira, Va Takura Zhangazha, vanoti zviri kutaurwa naVaMnangwagwa zviri pamutemo asi pane zvakawanda zvinoda kutariswa.
Mapato mazhinji anopikisa kusanganisira chikwata chePeople First chinonzi chinotungamiriwa nevambova mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, anoti haasi kuzopinda musarudzo kana hwaro hwesarudzo dziri pachena husati hwagwadzirwa.
MDCT haisi kukwikwidza musarudzo dzose dzema by-elections ichinyunyuta kuti mitemo yose inobata sarudzo inofanirwa kutanga yagadziriswa.