Mumwe wevari kutungamira zvikwata zviri zveCOPAC kuMashonaland West, vachimirira m-d-c t, vaBednock Nyaude, vanonzi vakarohwa nezuro nemumwe wevari kunyora zvinobva muvanhu (rapporteur) vachimirira zanu pf, uye vari mudzimai wemuzukuru wemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, Va Partick Zhuwau, Amai Beauty Lilly Zhuwawo, mushure mekusanzwisisana panyaya yekuti paiswe mumwe anotsiva nhengo yeZANU-PF.
Chiitiko ichi chinonzi chakaitikira pamahofisi a district administrator wedunhu iri mukadoma, apo zvikwata izvi zvakanga zvava kugadzirira kupinda muvanhu.
Mumwe wevari kutungamira hurongwa uhu kuMashonaland West, Amai Editor Matamisa, vanoti vatonyora gwaro richaenda kumasachigaro eCOPAC, kuitira kuti patorwe matanho panyaya iyi.
Bazi rezvebumbiro nemabasa eparamende rinoti basa rekutora pfungwa dzevanhu riri kutarisirwa kuti richanyatsopera kupera kwemwedzi uno.
Gurukota rebazi iri, vaeric matinenga, vanoti nzvimbo dzaitwa misangano yekunyorwa kwebumbiro idzva dzasvika pazvikamu makumi manomwe nezvishanu kubva muzana.
VaMatinenga vanoti mazuva emisangano kuHarare ne Bulawayo acharamba ari emusi wa 18 na19 mwedzi uno.
Patience rusere weStudio7 aita hurukuro naVaMatinenga kuti tinzwe zviri kuitika.