Accessibility links

Breaking News

Kubuda Pachena kwaAmai Mujuru Kosiya Vakawanda Vachitaura Pamusoro peRamangwana Ravo


Manyakare! VaMugabe naAmai Mujuru vachimbundirana
Manyakare! VaMugabe naAmai Mujuru vachimbundirana

Ongororo yaitwa neStudio 7 inoratidza kuti pane vanhu vakwanda vanoona sekuti Amai Mujuru nebato ravo reZimbabwe People First vanogona kuita zvakanaka musarudzo kana vakasavhiringidzwa nebato reZanu PF riri kutonga .

Ongororo yaitwa neStudio 7 inoratidza kuti pane vanhu vakwanda vanoona sekuti Amai Mujuru nebato ravo reZimbabwe People First vanogona kuita zvakanaka musarudzo kana vakasavhiringidzwa nebato reZanu PF riri kutonga .

Mumwe wevanhu ava, Amai Annabel Mashave, avo vanogara muHarare, vanoti kunyarara kwange kwakaita Amai Mujuru kubva pavakadzingwa muZanu PF muna 2013 kunoratidza kuti vange vari kuronga uye vanhu vachavatsigira.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira, VaBlessing Vava, vanoti kupokana kuri kuitika mumapato makuru munyika akaita seZanu PF neMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai neinotungamiririrwa naVaWelshman Ncube kunopa mukana mukuru kuna Amai Mujuru nebato ravo.

Vanodzidzisa zvidzidzo zvekutapa nhau paGreat Zimbabwe University University, VaGolden Maunganidze, vanoti kana zviri kuitika kuMasvingo zviri izvo zviri kuitika munyika yese, Amai Mujuru vanogona kukunda musarudzo dzinotevera.

Asi vamwe vakaita vaVaVivid Gwede vanoti Amai Mujuru vakasviba neropa reZanu PF uye zvinonetsa kufunga kuti dai vasina kudzingwa muZanu PF vangadai vakabuda vega here kana kuti kwete.

Vakadzingwawo muZanu PF, VaTemba Mliswa, vanoti munhu ane kodzero nechimiro chakachena akabva kuZanu PF ndiVaSimba Makoni avo vakabuda vega muZanu PF.

Pakabuda VaSimba Makoni muZanu PF vakaita mutsindo asi vakakundwa naVaMugabe naVaTsvangirai musarudzo dzemuna 2008.

Asi VaMaunganidze vanoti Amai Mujuru vane mukana kudarika VaMakoni uye pakabuda VaMakoni muZanu PF vange vasina bato uye vange vasina nguva yakareba yekuzvishambadza nekutsvaga rutsigiro.

Mukuru wesangano ravanachipanga mazano reZimbabwe Democracy Institute, VaPedzisayi Ruhanya, vaudza Studio 7 kuti mapato anopikisa ese munyika anofanira kushanda pamwe chete vachiti Amai Mujuru kana VaTsvangirai havakwanise kukunda Zanu PF.

Kunyange hazvo VaRuhanya vachitaura kudaro, MDC yakakunda Zanu PF musarudzo yekutanga yakaitwa muna Kurume 2008, asi zvinhu zvikazobvongodzwa nemhirizhonga musarudzo yemutungamiri wenyika yakadzokororwa muna Chikumi 2008.

VaTsvangirai vakabuda musarudzo iyi vachiti havangapinde musarudzo ine ropa zvichitevera kuurayiwa nekupisirwa dzimba kwenhengo dzavo.

Asi VaRuhanya vanoti pane humbowo hwekuti MDC yaVaTsvangirai ingadai yakakunda zvine mutsindo musarudzo dzemuna 2008 dzekutanga dai bato iri rakaita mushandira pamwe nevamwe uye izvi ndizvo zvarinofanira kuita musarudzo dzinotevera.

VaRuhanya vanoti kunyange hazvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka muZanu PF panyaya dzesarudzo bato iri rinoshanda pamwe.

Asi dzimwe nyanzvi dzinoti Zimbabwe People First ine mutoro wakaoma kuti itorere Zanu PF masimba sezvo VaMugabe vachine vatsigiri vakawanda mubato iri.

Nyanzvi idzi dzinotiwo vanhu vari kubva kumapato anopikisa vachinojoina Zimbabwe People First vazhinji vavo vanhu vakashaya zvigaro mumapato aya vava kuona mukana wezvigaro kubato raAmai Mujuru.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG