Nhengo dze Zanu PF dzabuda mumusangano weZimbabwe Electoral Commission, Zec, nemapato ezvematomgerwo enyika wekuzeya mafambisirwo achaitwa sarudzo.
Nepamusana pemaitiro eZec, mumwe ari kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika,VaDevine Mhambi Hove, vebato reNational Alliance of Patriotic and Democratic Republicans, vabva vazivisa kuti vabuda musarudzo vachitsutsumwa pamusoro pemafambisirwo ari kuitwa basa neZec.
Musangano weMultiparty Liaison Committee watadza kuenderera mberi mushure mekunge mamwe mapato ari kupinda musarudzo atanga kutsoropodza Zanu PF nekuipomeramhosva yekupindira mumashandiro eZec.
Mushure mekupopotedzana uku, mutevedzeri wemutauriri weZanu PF,VaMunyaradzi Paul Mangwana nevamwe vavo vabva vabuda mumusangano uyu vachiti vange vari kutambisirwa nguva nevanhu vari kutya kukundwa musarudzo.
Bopoto iri ramuka mushure mekunge vange vachitungamira musangano uyu, Komishina Qubani Moyo, vaudza mapato apinda mumusangano wanhasi kuti ongororo yebepa rekuvhotesa yavakaita yakaratidza kuti kana munhu achinge avhota X yake, haifambe kuenda pachinzvimbo cheZanu PF sezvange zvichitaurwa nemamwe mapato.
VaMangwana vati vazhinji vari kupopota havanzwisisi mashandiro Zec uyewo vatiwo vari kupopota vacho vari kutadza kuburitsa humbowo hwezvavari kutaura.
Asi sachigaro weMDC T inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaMorgan Komichi, vati Zec inoita basa yakarerekera kubato riri kutonga reZanu PF uye kunyange matanho ay tora nhasi, anotsigira bato reZanu PF.
VaKomichi vati maitiro eZec ndiwo ari kupa kuti vanhu vakawanda vasafare nemafambisirwo aitwamusangano wanhasi.
VaKomichi vati zvisinei nezvaitika MDC Alliance iri kutora matanho ose ainokwanisa kudzivirira chitsotsi chese chingave chiri kurongwa neZec.
Zvichakadai, vamwe vari kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika, VaDevine Mhambi Hove, vebato reNational Alliance of Patriotic and Democratic Republicans, vabva vazivisa kuti vabuda musarudzo vachitsutsumwa pamusoro pemafambisirwo ari kuitwa basa neZec.
Musangano wanhasi wapindwa nevari kuongorora sarudzo vemuno nekunze kwenyika.
Zimbabwe iri kuita sarudzo yemutungamiriri wenyika, dzeparamande nemakanzuru nemusi weMuvhuro unouya, vakawanda vakatarisira zvichabuda pana VaChamisa veMDC Alliance, naVaEmmerson Mnangagwa, mutungamiri weZanu PF.
Facebook Forum