Mutori wenhau anozivikanwa zvikuru munyika, Va Bornwell Chakaodza, vashaya neChitatu nechirwere chegomarara remudumbu.
VaChakaodza vashaikira ku St Annes Hospital mu Harare. Kufa kwaVa Chakaodza kunotevera kushaya neSvondo kwemumwe mutori wenhau, Makuwerere Bwititi, uyo aishandira ku Namibia.
Va Chakaodza vakamboshanda ku Zimbabwe Institute of Development Studies yaiva pasi pe University of Zimbabwe, uko vakanga vari chipangamazano. Mushure mezvo, VaChakaodza vakazoshanda semukuru webazi rezvekuburitswa kwemashoko.
Vakazoitwa mupepeti webepanhau re Herald. Mushure mezvo VaChakaodza vakazoshanda zvakare ne Standard Newspaper semupepeti waro.
Pari zvino vanga vachinyorera Financial Gazette kunyange vanga vachinyora vari muchipatara.
Masangano evatori venhau e Zimbabwe Union of Journalists ne MISA-Zimbabwe anoti kufa kwaVa Chakaodza kurasikirwa zvikuru kwaita nyika.
Vanhu vakaungana kumba kwavo ku 82 Goodrington Road, mu Bluff Hill, muHarare. Mutevedzeri wasachigaro weMISA-Zimbabwe, Va Kumbirai Mafunda, vanoti Zimbabwe yarasikirwa zvikuru nerufu rwaVa Chakaodza.