Accessibility links

Breaking News

Muzvare Jestina Mukoko Vanoremekedzwa neMubairo weKushinga


Gurukota reAmerica rezvekudyidzana nedzimwe nyika, Amai Hillary Clinton, vakapa neChitatu mutungamiri weZimbabwe Peace Project, Muzvare Jestina Mukoko, mubairo weInternational Women of Courage.

Muzvare Mukoko mumwe wevanhukadzi gumi wakapihwa mubairo uyu, uyo wakaparurwa mugore ra2007 nehurumende yaVaGeorge Bush.

Vachitaura pamabiko ekucherechedza madzimai akawana mubairo uyu, Amai Clinton vakapa mashoko ekuremekedza kushinga kwaMuzvare Mukoko panguva iyo vakapambwa nevasori muna Zvita 2008.

Mai Clinton vakati mibairo iri kupihwa kuvanhukadzi ava, sezvo vakakunda mukushungurudzwa, kutyisidzirwa, kusungwa pamwe nekurohwa kwavakaitwa.

Vachitaurawo pamabiko aya, mudzimai wemutungamiri weAmerica, Amai Michelle Obama, vakatiwo mubairo uyu wakakosha sezvo uchipihwa vanhukadzi vanorwira kodzero dzemadzimai uye vanhuwo zvavo pasi rose.

Vakatiwo mubayiro uyu unoratidza kushinga kukuru kune madzimai aya, ayo anosangana nezvinhu zvinovashungurudza pavanenge vachiita mabasa avo.

Amai Obama vakati vanoyemura kushinga kwaMuzvare Mukoko, avo vakazoendeswa kumatare edzimhosva, vachipomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende, kuburikidza nekukwezva vanhu vaizodzidziswa zvehugandanga.

Asi dare repamusoro soro reSupreme Court rakati kusungwa pamwe nekuchengetedzwa kwaMuzvare Mukoko kwakanga kusiri pamutemo.

Vachitambira mubairo wavo uye vakamirira madzimai mapfumbamwe ekune dzimwe nyika, avo vaive pamabiko aya, Muzvare Mukoko vakati hazvisi nyore kurwira kodzero dzevanhu, zvikuru kana uri munhukadzi.

Asi Muzvare Mukoko vakati vanofara kuti vakakwanisa kukunda matambudziko aya, sezvo vamwe vechidiki vachazodzidzawo kushinga kubva kune zvakaitika kwavari.

Muzvare Mukoko vanoti mibairo yakadai inobatsirawo mukupa vanhukadzi mukana wekuzeya zvinovashungurudza pasi rose, uye kuwana mimwe mikana mitsva yekuramba vachienderera mberi nebasa rekurwira kodzero dzevanhu.

Pakapambwa Muzvare Mukoko muna Zvita 2008, vakatochwa pamwe nekushungurudzwa nevanhu vakavapamba.

Pakutanga hurumende yakamboramba kuti yakange isingazive kwaiva naMuzvare Mukoko. Asi Muzvare Mukoko vakazobuda vari kumapurisa voendeswa kumatare edzimhosva.

Masangano anorwira kodzero dzevanhu akashora zvikuru mabatirwo akaitwa Muzvare Mukoko.

XS
SM
MD
LG