Accessibility links

Breaking News

Thomas Sweswe Otarisa Kubudirira Kwake muSouth Africa


Mutambi wemaWarriors Thomas Sweswe anoti arikufara nekutambira chikwata cheKaizer Chiefs uye anetariso yekuti acharamba achiwedzera hunyanzvi hwake.

Mutambi wenhabvu wechikwata chemaWarriors, Thomas Sweswe, uyo ave kutambira chikwata cheKaizer Chiefs chemuSouth Africa, anoti ari kufara zvikuru nemafambiro ari kuita zvinhu muhupenyu hwake.

Kunyange hazvo Sweswe asiri kutamba mazuva ano zvichitevera kukuvara musana kwaakaita, anoti zvinhu zvake zvakamira zvakanaka.

Sweswe akanyorerana chibvumirano chemakore matatu neKaizer Chiefs "Amakhosi" muna Chikumi gore rapera achibva kuchikwata cheDynamos.

Sweswe akazvarwa muGweru mugore ra1981 uye akambotambira zvikwata zvinoti Highlanders, Mwana Africa ne Manning Rovers yemuSouth Africa.

Sweswe anoti kunyange zvake pari zvino achiri kutarisira kuramba achitamba muSouth Africa, anoti ane tarisiro yekuti awane mukana wekunotambira kumhiri kwemakungwa mune remangwana.

Sweswe anokurudzira vabereki kuti vatsigire vane vavo vanenge vane chipo chekutamba bhora sezvo zviri nyore nguva dzino kurarama nekutamba nhabvu.

XS
SM
MD
LG