Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeMDC-T Dzoratidzira paMutasa GMB Dzichiti Chibage Ngachipihwe Munhu Wese Pasina Rusarura


Mutasa Demos
Mutasa Demos

Nhengo dzebMDC-T dzinodarika zana dzaratidzira pamuzinda weGrain Marketing Board, GMB, kudunhu reMutasa kuManicaland dzichinyunyuta nekunyimwa kwadziri kuitwa chibage nefotoreza.

Nhengo dzebMDC-T dzinodarika zana dzaratidzira pamuzinda weGrain Marketing Board, GMB, kudunhu reMutasa kuManicaland dzichinyunyuta nekunyimwa kwadziri kuitwa chibage nefotoreza.

Nhengo idzi dziri kuti zvinhu izvi zviri kugeverwa chete kunhengo dzeZanu PF.

Nhengo idzi dzaimba zvakadzama pamuzinda wedura reGMB dziine zvinyorwa zvekunyunyuta maringe nekushayiswa chibage kwavari kuitwa nevanenge vachichigovera kune vanokodzera.

Mumwe wevanhu vange vari pamuzinda uyu vachiratidzira, Ambuya Esther Mukoyi, vanoti nguva zhinji vanoshayiswa zvinogoverwa izvi izvo zvinofanira kubatsira vakwegura vakaita savo, pamwechete nechirikadzi uye nherera asi izvi hazvisi kuitika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Ambuya ava vanoti kusafambiswa zvakanaka kwehurongwa hwekugoverwa kwechibage nefotoreza ndizvo zvavasimudza kubva kumba kwavo.

Mumwe wevange vari pakuratidzira apo pange pazere mapurisa eZimbabwe Republic Police anodzivirira mhirizhonga, ndiAmai Violet Majo, avo vanoti varwadzikana nekushaiswa chikafu.

Amai Majo vanoti vane humbowo hunoratidza kuti vakawanda vasingakodzeri ndivo vari kugara vachipihwa nekuda kwekuti inhengo dzeZanu PF.

Amai Judith Chitiyo vange vari mukuratidzirawo kwanhasi vaine chinyorwa chakanzi; “No to unfair food distribution.”

Amai ava vanoti mumiriri wehurumende mudunhu ravo haasi kufambisa zvakanaka hurongwa hwekugoverwa kwefotoreza, chibage nezvimwewo zvinotambiriswa vanonetseka.

Mudzviti weMutasa, Va Tendai Kapenzi, varamba kutaura neStudio 7 vachiti titaure nemukuru wavo, provincial administrator wedunhu reManicaland, VaFungai Mbetsa.

Hatina kukwanisa kutaura naVaMbetsa sezvo runhare rwavo rwange rusiri kusvika pavari.

VaAlfred Muchena inhengo yerimwe sangano revarimi kuTsonzo avo vanotarisira kubatsirikana nefotoreza inogoverwa pachena iyi.

Asi vanoti nguva zhinji vanonzwa kuti chikwata chavo chevarimi gumi nevashanu chakawana fotoreza iyi kunyangwe vanenge vasina kuitora.

VaMuchena vanoti nyaya yehuwori inofanirwa kuguma pakuita mabasa ekubatsira vanoshaya.

Kanzura wenharaunda iyi, iyo iri muWard 11, Amai Lilian Chadzingwa vebato reMDC, vanoti vanoshushikana zvakanyanya kwazvo nekutyorwa kwekodzero dzevanhu.

Mumiriri weMutasa Central mudare reparamende, VaTrevor Saruwaka, vanoti nhengo dzebato ravo dzaona zvakakodzera kuti varatidzire senzira yekuendesa shoko kumusoro kuti zvinhu hazvisi kufamba zvakanaka. Vanoti vachasvitsa petisheni kuna VaKapenzi.

Vanoti petisheni iyi inoda kuti vose vakavhoterwa zvigaro nevanhu vange vaine chekuita mukufambiswa kwezvekugoverwa kwezvinhu.

PaGMB paswera pakavharwa sezvo vanhu vanga vachiratidzira vakaisa musasa pamusuwo wekupinda mumuzinda uyu.

Mapurisa angangosvika gumi nemashanu ange ari kuona zvange zvichiitika ari chinhambwe ukuwo, vasori nematikitivha vange vari mukati mevanhu vachiona zvange zvichiitika izvi.

XS
SM
MD
LG