Mumwe mutori wenhau, aishandira kambani yeNewsday akashaya neMuvhuro mushure mukurwara neitsvo. Ange ave nemakore makumi mana nemasere ekuberekwa.
Hanzvadzi yake, Amai Sophia Chalenga vaudza Studio 7 kuti ange aine chirwere cheshuga icho chakakanganisa itsvo.
Amai Chalenga vati hapana zvirongwa zvati zvavepo nezvekuradzikwa kwake sezvo vange vachangotambira shoko rwerufu rwaLaiton.
John Cassim uyo akakura naLaiton kuKaroi uye ange ari sahwira wepedyo ari zvakare mutori wenhau ati arasikirwa zvakanyanya. Cassim atiwo Laiton ange varwara kwenguva yakareba.
Everson Mushava uyo ange achishanda naLaiton kuNewsday atiwo vatori venhau varasikirwa zvakanyanya nenyanzvi yekunyora nyaya dzekumatare.
Munyori mukuru muZimbabwe Union of Journalists VaFoster Dongozi vatiwo gore rino vatori venhau vakawanda vashaya. VaDongozi vatiwo vatori venhau vari mushishi yekuunganidza mari yekubatsira vamwe vatori venhau vaviri, VaDesmond Chingarande vanoshanda zvakare kuNewsday naVaDonavan Maisiri vanoshanda vakazvimirira avo vari kurwarawo zvakanyanya.
ZUJ irikuchema chema nekubhadharwa mari dzisingakwani kwevatori venhau uye kushomeka kwemakambani enhau anotoresa maMedical Aid anobatsira muhurwere.
Laiton mutori wenhau wechipiri kushaya mwedzi uno mushure mekushaya kwaAmai Janet Munyaka mushure mekubatwa neCovid-19.
Facebook Forum