Muzinda weGermany muZimbabwe wakanyorera hurumende uchiratidza kusafara nekutyorwa kuri kuitwa chibvumirano che Bilateral Investment Protection and Promotion Agreement, BIPPA, zvichitevera kutorwa nechisimba kwemapurazi ezvizvarwa zvenyika iyi.
Hurumende yaAmai Angel Merkel ine chibvumirano cheBIPPA nehurumende yaVaRobert Mugabe.
Bepanhau repa internet, reZimonline, rinoti Germany yakanyorera gurukota rezvekuuze, VaSimbarashe Mumbengwegwi, vachivakumbira kuti minda dzechizvarwa chayo, VaHeinrich Von Pezold, isatorwe kuManicaland. Germany inoti izvi zvikaitika, zvichavhiringidza hukama hwenyika mbiri idzi.
Vanga vari mutungamiri veCommercial Farmers Union, VaTrevor Gifford, vanotiwo minda yavo yakatorwa nechisimba neChina manheru.
Kutorwa kweminda kuri kuramba kuchienderera mberi kunyange hazvo vamwe muhurumende yemubatanidzwa vakakurudzira kuti izvi zvimbomiswa, kuitira kuti mutauro iripo imbodzikira.
VaRejoice Ngwenya vanoongorora zvematongerwe enyika, uye vari kutevedza zviri kuitika munyaya dzeminda. VaNgwenya vanoti Zanu PF iri kuita izvi kuitira kuti ityityidzire vanhu sezvo pava kutaurwa nyaya dzesarudzo.