Nhaurirano dzemapato dzekuedza kupedza gakava riri muhurumende yemubatanidzwa, idzo dzanga dzichitarisirwa kusimudzirwa, dzinonzi dzatadza kuitwa sezvanga zvakatarisirwa, sezvo mumwe wevari munhaurirano idzi, anga asipo.
Mumwe wevari kumirira MDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaTendai Biti, vanonzi vari kunze kwenyika, izvo zvaita kuti nhaurirano idzi dzitadze kusimuka.
Svondo rapera, MDC inotungamirwa naVaTsvangirai yakazivisa kuti nhaurirano dzakanga dzaita mangange, ikati yakanga yava kukwidza nyaya iyi kuSADC, uye kumuyananisi, uye vari mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma.
Ukuwo, chikwata chakatumwa naVaZuma kuzoongorora nhaurirano idzi chakazivisawo kuti nhaurirano dziri kufambira mberi zvakanaka.
Vanoongorora zvematongerwo enyika uye vari Programs Manager weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaPedzisayi Ruhanya, vanoti bato reMDC harichina chekumhanyira munhaurirano idzi sezvo Zanu PF yakatoratidza kare kuti haisi kuzotsukunyuka kubva paimire.
Zanu PF inoti ichataurirana neMDC chete kana zvirango zvakatemerwa vakuru vebato iri zvabviswa.